Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vaita musangano negurukota rinoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica nemuCommonwealth muBritain, VaMark Simmons, muLondon ku Britain.
MuZanu-PF munonzi hamuchina kugadzikana zvakanaka zvikuru kune dzimwe nhengo zvichitevera danho rakatorwa nevamwe mubato rekuti vave kuda kuti Amai Grace Mugabe, mudzimai wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatungamire sangano remadzimai reZanu-PF Womens League.
Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rose, reInternational Monetary Fund raburitsa tsamba yarakanyorerwa neZimbabwe yezvido zveZimbabwe zvekuyedza kuzadzikisa chibvumirano chayakaita nebhanga iri cheStaff Monitored Program.
Bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBritain neChitatu rakadoma mumiriri waro mutsva ku Zimbabwe.
Huwandu hwemakambani ari kuendesa Zimbabwe Revenue Authority kana kuti ZIMRA kumatare hunonzi hwave kutopfuura makumi maviri apo kunetsana pakati peZIMRA nemakambani uyu kwoenderera mberi
Mashoko aburitswa nebazi reUnited Nation reUnited Nations Programme on HIV and AIDS, ari kuratidza kuti zimbabwe iri kuita zviri kuyemurwa nenyika dzakawanda mukurwisa kutapuriranwa kwe HIV.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato reZanu PF, iro riri kuronga kongiresi yaro yemu Zvina.
Gurukota rinoona nezvemukati menyika mu South Africa, VaMalusi Gigaba, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvinofanirwa kumira nemoyo murefu kudzamara hurumende yatora matanho panyaya yemagwaro.
Nhengo dzebato rinopikisa reTransform Zimbabwe dzinosvika gumi neshanu dzachengetedzwa nemapurisa neMuvhuro dzichipomerwa mhosva yekuratidzira dzisina mvumo.
Mutungamiri webato reMavambo Kusile Dawn Doctor Simba Makoni vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndivo vari kuomesa musoro kuti zvinhu zvichinje munyika.
Gurukota rinoona nezvehupfumi kuZambia VaAlexander Chikwanda neChishanu vakumbira britain kuti ibvise zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe neBritain.
Mutungamiri wechikwata chiri kuzvidaidza kuti MDC Renewal Team, VaTendai Biti, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapererwa nemazano panyaya yekugadzirisa hupfumi hwenyika.
Vamwe vana chiremba navana mukoti vemuZimbabwe vashura mare mushure mekukwanisa kuvhiya nekupatsanura mapatya maviri akaberekwa akabatana dzimwe nhengo dzemuviri wavo.
Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai vanoti nyaya yemamiriro ehupfumi hwenyika, kongiresi yebato ravo nekutenda kwavari kuita kuti pane zvimwe zvavasina kuita nemazvo sarudzo dzegore rapera dzisati dzaitwa.
Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vari kukurudzira kuti munyika muitwe hurukuro kuyedza kugadzirisa nyaya yehupfumi nezvematongerwo enyika zvatarisana nenyika.
Pamusangano mukuru wavakaita ku Malabo, Equtorial Guinea, vatungamiri venyika dzemuAfrica vakabuda nechisungo chekuti vatange dare ravo rinonzi African Court of Justice and Human Rights vachiti havasi kufara nedare reInternational Court riri kuHague.
Zimbabwe iri kurangarira makore gumi nemashanu kubva zvakashaya vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoshua Nkomo.
Nhengo ina dzesangano reBulawayo Agenda dzakasungwa neMugovera kuVictoria Falls dzichinzi dzakatyora mutemo wePublic Order and Security Act, POSA, nekuita musangano pasina mvumo yemapurisa dzakabuda muhusungwa mushure mekubhadhara mari yechibatiso.
Munyika maita mutauro wakanyanya pamusoro pekudzidziswa kwemitauro muzvikoro.
Bato reMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai neChitatu rakaita musangano wakakosha weStanding committee kuti rizeye zviri kunetsa mubato uye munyika.
Rodhai zvimwe