Zimbabwe iri kurangarira makore gumi nemashanu kubva zvakashaya vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoshua Nkomo.
VaNkomo vakashaya musi wa 1 Chikunguru 1999 kuchipatara cheParirenyatwa Hospital muHarare, hurumende ikavapa chiremera chegamba renyika.
Munguva yehondo, VaNkomo vaizivikanwa nemazita akawanda anoratidza kuti munhu ainge akazvipira mukusunungura nyika. Vamwe vaivati “Umdala Wethu, vamwe vachivati "Father Zimbabwe" vamwewo vachivati "Chibwe Chitedza."
VaNkomo vakaberekwa muna Chikumi 1917 vakanodzidza kuSouth Africa uko vakasangana namuchakabvu, Va Nelson Mandela, avo vakazova mutungamiri mutema wekutanga muSouth Africa muna 1994.
VaNkomo vakatanga kupinda munyaya dzekurwira kodzero dzevashandi muna 1948 kuBulawayo apo vaishanda muguta iri.
Kubva kuma 1950, VaNkomo vakatungamira masangano akasiyana siyana. Vakazotanga bato re Zapu muna 1962, asi richibva rabanwa nehurumende yevachena yaitonga munguva iyi.
VaNkomo vakarwa hondo yeChimurenga, vari mutungamiri we Zapu, iyo yaive nemauto ayo eZipra vari kuZambia.
Munguva yehondo, VaNkomo nebato ravo vaidyidzana zvakanyanya ne African National Congress yekuSouth Africa, ukuwo VaRobert Mugabe ne Zanu, vachidyidzana ne Pan African Congress yemu South Africa makare.
Pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere muna 1980, VaNkomo vakaitwa gurukota rehurumende. Pakava nekunetsana pakati peZanu-neZapu zvakapa kuti pazotanga kurwisana kwakasiya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vafa muGukurahundi yakatanga muna 1982 kuMatabeleland nedzimwe nzvimbo muMidlands.
VaNkomo vakadzingwa naVaMugabe muhurumende mushure mekupomerwa mhosva yekuda kurwisa hurumende yaivepo.
Mushure mekudzingwa muhurumende, VaNkomo vakazotiza munyika muna 1983 vochityira hupenyu hwavo.
Asi hondo yakazopera mushure mekunyorerana chibvumirano kwakaitwa naVaNkomo vakamirira Zapu naVaMugabe, vakamirirawo bato ravo.
Chibvumirano ichi chakaumba hurumende yemubatanidzwa VaNkomo vakaitwa mutevedzeri wechipiri wemutungamiri wenyika chinzvimbo chavakaramba vainacho kudzimara vashaya.
Hama dzaVaNkomo, VaSamuel Sipepa Nkomo, namushakabvu VaJohn Nkomo vakava naVaJoshua Nkomo mumazuva avo ekupedzisira.
VaSipepa Nkomo vanoti zvakaitika mukufa kwaVaJoshua Nkomo zvichiri mundangariro dzavo.
Mutauriri webato reZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti VaNkomo vaive gamba uye bato ravo riri kuyedza kuzadzikisa zvishuviro zvavo.
Asi mutevedzeri wemutungamiri webato reZAPU, Amai Emilia Mukaratirwa, vanoti hurumende iri kukundikana kuzadzikisa zvido zvaVaNkomo.
Mashoko aya atsinhirwawo nevanoronga misangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, avo vanotiwo VaNkomo vaida kumisa nyaya dzehuori asi izvi zvakundikana.
Vanonzi vanotungamira chikwata cheMDC Renewal Team, VaTendai Biti, vanotiwo hurumende iripo yakundikana zvachose kuti VaNkomo vazorore murugare.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru we Media Center, VaEarnest Mudzengi, vanoti nyaya yekuti vanhu vavhote murunyararo yaidiwa naVaNkomo haina kuzadzikiswa.
VaMudzengi vanotiwo zviri kuitika kuNuanetsi Ranch zvekumbunyikidza vanhu handizvo zvaida kuitwa naVaNkomo pavakatanga chirongwa ichi.
Mwana wamushakabvu Nkomo, Muzvare Thandi Nkomo, vanoti semhuri vari kuyedza kuzadzikisa zvido zvemufi nekuvaka muzinda wekudzidzisa vanhu zvikuru vechidiki nenyaya yenhoroondo yaVaNkomo.
Vanoti vari kufara kuti hurumende iri kuita zvimwe zvinhu senzira yekurangarira VaNkomo zvakafanana nezviumbwa zvakaiswa muBulawayo uye kupa nhandare nemigwagwa zita ravo.
Asi Muzvare Thandi Nkomo vanoti pachine zvakawanda zvinoda kuitwa senzira yekuzadzikisa zvishuviro zvaVaNkomo.