Huwandu hwemakambani ari kuendesa Zimbabwe Revenue Authority, kana kuti ZIMRA, kumatare hunonzi hwave kutopfuura makumi maviri apo kunetsana pakati peZIMRA nemakambani aya kuri kuenderera mberi.
Makambani aya anoti ZIMRA iri kungotora mari mumabhanga avo kunyange hazvo paine zvibvumirano zvekuti vange vachibhadhara sei mari dzavo.
Asi vakuru veZIMRA vataura neStudio 7 vasingadi kutaurwa nemazita vati aya manyepo kubva kumakambani asiri kuda kubhadhara mitero kunyange akapihwa makore akawanda kuti aite izvi.
Nyaya dzakawanda dziri kunzwikwa kudare reFiscal Court of Appeal uye kudare repamusoro. Asi vatori venhhau vanonzi havasi kutenderwa kupinda mumatare aya zvichinzi ndozviri pamutemo wezvemitero.
Pazuva panonzi pari kunzwikwa nyaya imwe chete kana mbiri uye dzinonzi dzichatosvika muna Gumiguru dziri mudariro.
Mabhanga, makanzuru uye nemakambani ari kumatare anosanganisira, Zimplats, Standard Chartered, Harare City Council, Zimbabwe Leaf Tobacco Company, Blanket Mine numamwe.
Mumwedzi mitanhatu yekutanga ZIMRA yakawana mari inosvika bhiriyoni imwe nemazana manomwe nemakumi maviri ezviuru zvemadhora iyo yainge ichitarisira bhiriyoni imwe nemazana makumi mamomwe nemana emadhora.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti Zimra inofanira kushanda nevambhizimisi zvakanaka.