Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeMitauro Yokonzera Mutauro Munyika


lazerus dokora
lazerus dokora

Munyika maita mutauro wakanyanya pamusoro pekudzidziswa kwemitauro muzvikoro.

Vamwe vagari vekuMatabeleland vari kuchema chema kuti mudunhu ravo mune varairidzi vakawanda muzvikoro zvedzidzo yepasi vasingataure chiNdevere. Vanotiwo varairidzi ava vari kukanganisa zvakanyanya mutauro wechiNdevere, izvo zviri kuita kuti vana vakawanda vechikoro vakundikane muzvidzidzo zveNdebele.

Asi vamwe vari kutiwo kubva bumbiro remitemo zvarati Zimbabwe inocherechedza mitauro gumi nemitanhatu kusanganisirawo Kalanga, Nambya, Ndau, Shangani, Tswana ne sign langauge, hapana kana chaitwa nehurumende kuona kuti mitauro iyi yadzidziswa muzvikoro.

Gurukota rinoona nezvedzidzo, VaLazerus Dokora, vanoti vari kuyedza kugadzirisa dambudziko iri.

Tonga chete ndiyo yakwanisa kuti itange kunyorwa pabvunzo dzeGrade 7.

Vakuru vehurumende vanoti vane chido chekugadzirisa dambidziko iri asi hapana mari yacho.

Mutungamiri weCollege Lecturers Association of Zimbabwe, VaDavid Dzatsunga, vanoti kumakoreji anodzidzisa varairidzi vanouya kuzodzidza chiNdevere vashoma.

Vaive murairidzi uye vari nhengo yeparamende, VaFelix Magalela Mafa Sibanda, vanotiwo zviri kuitwa nehurumende kukanganisa kukuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG