Accessibility links

Breaking News

VaSimba Makoni Vanoti Kuda Kufadza Vanhu Vashoma kwaVaMugabe Kwouraya Nyika


Simba Makoni
Simba Makoni

Mutungamiri webato reMavambo Kusile Dawn VaSimba Makoni vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndivo vari kuomesa musoro kuti zvinhu zvisachinje munyika.

Hupfumi hweZimbabwe parizvino wakaita manyama amire nerongo vanhu vakawanda vachirasikirwa nemabasa. Hurumende yakaparura chirongwa cheZimAsset chekuyedza VaMakoni vakambovawo gurukota rinoona nezvehupfumi.

Mashoko avo anoyawo apo mutauriri webato reMDC Renewal Team VaJacob Mafume vatiwo VaMugabe vakundikana kugadzirisa hupfumi nekudaro ngavasiye basa.

VaMakoni vanoti mapato anopikisa anofanira kubatana kuti vaite chirwirangwe pakukwikwidzana nebato reZanu-PF.

VaMakoni muna 2008 vakapinda musarudzo vachitsigirwa neMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube.

Asi musarudzo dzemuna 2013 vakasarudza kutsigira mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG