Vaimbova mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vashora zvikuru mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanova magweta vose, vachiti vanofurira mutungamiri webato iri uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kuti vasina kufara nekongiresi vasaende kumatare.