Sangano reEuropean Union, EU, riri kuzozeya nyaya yekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, pamwe nekambani yeZimbabwe Defense Industries, vobvisirwa zvirango here kana kuti kwete.
Asi vamiriri vedzimwe nyika vanoshanda neEU vanoti musangano iri hamuna kuwirirana. Nyaya yekuti VaMugabe vakadomwa kuva sachigaro weAfrican Union, AU, yapawo kuti nyaya yezvirango ive gangaidzwa kumukwenyi wemhezi yavavira mudumbu kuEU.
Nhengo yedare re EU inobva kuBritain, Amai Cathreine Bearde, vakaudza bepanhau reku Britain re Times kuti kudomwa kwaVaMugabe sasachigaro weAU zvinhu zvinogona kukanganisa zvakanyanya kudyidzana kwe EU neZimbabwe.
EU yakatemera VaMugabe nevamwe vakuru mubato ravo nemauto zvirango muna 2002 richiti vainge vabirira sarudzo nekutyora kodzero dzevanhu.
Asi hurumende inoti shura rakatanga payakagovera minda patsva ichipa vatema. Gore rapera vakuru vemauto vakabviswa pazvirango kuchisara VaMugabe nemhuri yavo chete.
Asi EU yakabva yatiwo yaizotanga kudyidzana nehurumende nekuipa mari yebudiriro kutanga muna Kukadzi uno. EU yange yoshanda nemasangano akazvimirira oga mukuita mabasa ebudiriro.
Mumiriri weEU muZimbabwe, VaPhillipe van Damme, vaudza Studio 7 kuti vatanga kuzeya nezvenyaya yezvirango vakati vanhu havafanire havo kumhanyira kumberi asi vanofanira kumirira musi wa20 Kukadzi pachataurwa danho rinenge ratorwa.
Asi vati kana VaMugabe vachiita basa reEU nyika nenyika dzinokwanisa kuvapa vhiza rekufamba.
Mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati vari kutarisira kuti zvirango izvi zvibviswe nekuti hazvisi pamutemo. Vatiwo zviri kukanganisa budiriro yenyika.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye richishanda neHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti EU inofanirwa kutanga yaona kuti VaMugabe vava kuremekedza kodzero dzevanhu here pamwe nekuremekedza mitemo yenyika isati yabvisa zvirango.