Gurukota rinoona nezvematunhu, VaIgnatious Chombo, vakandirana neChishanu makobvu nematatete nechikwata chavana muzvinabhizimisi chekuBritain nenyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kana vasiya basa.
Zvimwe zvaita kuti pave nekukakavadzana inyaya yemitemo yenyika inonzi haina kujeka yakaita semutemo wekuendesa hupfumi kuvatema.
Chikwata chavana muzvinabhizimisi chevanhu gumi nevapfumbamwe chakauya kuburikidza nesangano reInvestment Africa uye vemabhizimisi ava vari kubva kumakambani gumi nemaviri.
Asi musangano naVaChombo unonzi hauna kuzonyatsofamba zvakanaka mushure mekunge vemabhizimisi ava vatanga kubvunza zvanzi naVaChombo ndezve matongerwo enyika zvisineyi navo.
Asi mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema uri kutemesa vakawanda musoro avo vari kuti hauna kujeka uye makurukota ehurumende haasi kutaura nezwi rimwe chete.
VaChombo vanoti vaudza vemabhizinesi ava kuti vaite zvematongerwo enyika kumusha kwavo, sezvo Zimbabwe iine muitiro wayo unochengetedza zvehupfumi kuti zvigare munyika.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaProsper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti vekunze vanoda kuziva mamiriro akaita zvinhu vasati vadyara mari dzavmunyika.