Vachitaura nevatsigiri vavo kuMidlands, vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati vanhu vasiri kutevera gwara rebato vachadzingwa.
Dunhu reManicaland neChina rakavhota kuti vaimbova murongi wemabasa mubato reZanu-PF, VaDidymus Mutasa, vadzingwe nechimbi chimbi vachinzi maitiro avo haachaendererana\i nemitemo yebato.
Hurumende neChitatu yakabvuma kekutanga kuti purazi reArnold Farm rinozivikanwa nerekuti Manzou riri kuzotorwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.
VaGumbo vanoti havana chavanoshora mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, asi kuti chavanopokana nacho madomerwo avakaitwa pachigaro chavari pakongiresi yakaitwa.
Bato reMDC-T neMDC Renwal Team anoti haasi kuzopinda musarudzo dziri kuitwa musi wa 27 Kurume dzekutsiva vaiva mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, kuMt Darwn West, pamwe neVaEmmerson Mnangagwa kuChirumanzu- Zibagwe.
Magweta ari kumirira vamwe vagari mazana maviri vari papurazi reArnold Farm rinozivikanwawo nekuti Manzou kuMazowe, Mashonaland Central rinonzi riri kuda kutorwa nemudzimai wemutungamiri wenyika amai Grace Mugabe aendesa makurukota ehurumende matatu kudare repamusoro achivapomera mhosva yekuzvidza dare.
Hurumende inoti mitengo yemafuta edzimotokari inofanira kudzika zvakanyanya sezvo mitengo yemafuta aya yadzika zvakakomba pamisika yepasi rose.
Mapurisa nhasi anonzi aenderera mberi achiputsa dzimba dzevanhu vari papurazi remanzou iro rinonzi ririkuda kutorwa nemudzimai wemutungamiri wenyika amai Grace Mugabe.
Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe neChina rakakanzura rezinesi reBhanga re Allied Bank mushure mekuona kuti bhanga iri range rave kutatarika zvakanyanya.
Mapurisa anonzi akabvisa zvechisimba mhuri dzinodarika mazana maviri pane rimwe purazi riri ku Mazowe kuitira kuti mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe vakwanise kuchengetera mhuka papurazi iri.
Imwe nhengo yeMDC-T VaIsaac Muchenje vakamiswa pamberi pedare kuChivhu neChipiri vachipomerwa mhosva yekdzipa kanzura weZanu-PF kuChivhu.
Muzvinafundo Terrence Osborne Ranger avo vainge vari nyanzvi munyaya dzenhoroondo yeZimbabwe vakashaya neChishanu kuBritain vanzi nevanhu vakawanda munyika vanofanira kuremekedzwa zvkanyanya nemabasa avo.
Vanoronga mabasa musangano re International Community of Women Living with HIV in Zimbabwe, Amai Martha Tolana, vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya yehupfumi kuitira kuti zviga izvi zvizadziswe.
Kunetsana muZanu-PF kuri kuramba kuchienderera mberi kunyange hazvo bato iri rakambozivisa kuti panopera kongiresi yakaitwa muna Zvita gore rapera zviri kunetsa zvinenge zvagadziriswa.
Gurukota rinoona nezvemukati menyika yeSouth Africa, VaMalusi Gigaba, vazivisa kuti chirongwa chekupa vana veZimbabwe mapepa ekushanda kana kudzidza munyika iyi zviri pamutemo kana kuti Zimbabwwe Special Permit chiri kupetwa neChitatu.
Rimwe sangano ravanachipangamazano muAmerica, reFund for Peace, rinoti zvinhu muZimbabwe hazvina kunyatsogadzikana zvekuti Zimbabwe yabva yaiswa panyika dzine hondo dzakaita seYemen, Iraq, Afghanistan, Chad nedzimwe.
Vanhu vakawanda vari kuramba vachifa munjodzi dzemumigwagwa pazororo rino rekisimusi zvichienzaniswa nevakafa gore rapera.
Gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, nemunyori mukuru mubazi ravo, Dr Gerald Gwinji, vanonzi havasati vapindura magwaro ari kudare repamusoro akaendeswa navanachiremba vachiti danho ravakatora rekuvabvisira mari dzemihoro mushure mekuratidzira rainge risiri pamutemo.
Mutauriri wemapurisa Chief Supritendant Paul Nyathi vari kukurudzira vatyairi kuti vafambe kwakachena nekuti husiku kwave kuitika njodzi dzakawandisa mumigwagwa pazororo rino rekisimusi izvo zvapa kuti vanhu makumi matanhatu nevana vashaye.
Mutauriri wemapurisa Chief Supritendent Paul Nyathi vanoti vanhu makumi mana nemasere vashaya kubva musi wa 15 Zvita kusvika parizvino munjodzi dzemumugwagwa.
Rodhai zvimwe