Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yozadzisa Zviga zveUnited Nations?


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe
Hurukuro naVaOwen Muguti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Amai Martha Tolana
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende inoti Zimbabwe iri kubudirira zvikuru mukurwisa dambudziko reHIV/AIDS uye iri kukwanisa kuzadzikisa zviga zve Millenium Development Goals, MDGs, zvakatarwa neUnited Nations.

Mashoko aya ataurwa nemukuru anoona nezve HIV/AIDS ne TB mubazi rezvehutano, Dr Owen Mugurungi, avo vanoti vari kufara nekuderera kwevanhu vari kubatwa neHIV/AIDS uye kuwanikwa kwemishonga nezvime.

Zviga zve MDG’s izvi zvakatarwa muna Gunyana 2010 uye zvinofanira kunge zvazadzikiswa panopera gore rino.

Chiga chechitanhatu che MDG’s ndechehutano chakanangangana nekurwisa zvirwere zvakaita sse HIV/AIDS, TB nezvimwe.

Asi vamwe vanorarama neHIV vanoti nyaya yehupfumi isina kumira zvakana yave kupa kuti zvose zvange zvaitwa nehurumende zvidzokere kumashure.

Vanoronga mabasa musangano re International Community of Women Living with HIV in Zimbabwe, Amai Martha Tolana, vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya yehupfumi kuitira kuti zviga izvi zvizadziswe.

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakaudza dare reparamende muna Zvita pakuparura bhajeti regore rino kuti kubva muna 2011 makambani zviuru zvina nemazana mashanu ainge avharwa, uye vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvishanu vainge varasikirwa nemabasa kusvika pari zvino.

XS
SM
MD
LG