Hurumende yabvuma neChitatu kekutanga kuti purazi reArnold Farm rinozivikanwa nerekuti Manzou riri kuzotorwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.
Izvi zvaburitswa negurukota rinomirira Mashonaland Central, VaMartin Dinha, avo vatenda kuti Amai Mugabe vakaisa tsamba kuhurumende yekuti vanoda kuchengeta mhuka papurazi iri.
VaDinha vaimbenge vati Amai Mugabe havanei nechekuita nekuputswa kwedzimba dzevanhu papurazi iri uko kwakatanga kuitwa nemapurisa svondo rapera.
Vagari vepapurazi iri vakaudzawo Studio 7 kuti vasori nemapurisa akavaudza kuti Amai Mugabe vainge vati havadi kuona munhu mupurazi iri.
VaDinha vati sezvo Amai Mugabe vakanyorera zviri pamutemo kuti vashandise purazi iri, hurumende ichavapa kuitira kuti vari shandise kuchengetera mhuka idzo dzinopa vashanyi vaende kuparazi iri.
VaDina vatiwo kutanga svondo rinouya mupurazi iri munenge mave neshumba nenzou.
Izvi zviri kuitwa kunyange hazvo dare rainge rati vanhu ava vasabviswe papurazi pasina kuvawanira kumwe kwekugara.
Zvichakadaro, gweta riri kumirira mhuri dziri kudzingwa paManzou idzi, VaTonderai Bhatasara, avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti vari kudzokera zvakare kumatare kana vanhu ava vakabviswa nechisimba vasina kuwanirwa pekugara.