Imwe nhengo yeMDC-T VaIsaac Muchenje vakamiswa pamberi pedare kuChivhu neChipiri vachipomerwa mhosva yekdzipa kanzura weZanu-PF kuChivhu.
Kunetsana uku kunonzi kwakauya mushure mekunge paita kunetsana panyaya yekugoverwa kwembeu yakapihwa vanhu nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Mbeu iyi yagara iine mutauro sezvo nhengo dzeMDC dzichiti dziri kunyimwa mbeu. Gweta raVaMuchenje VaBenjamin Chikowore vaudza Studio 7 kuti hapana humbowo hwekuti VaMuchenje vakadzipa kanzura pahuro.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.
Asi tabata mutauriri weMDC-T VaObert Gutu avo vashora zvikuru bato reZanu-PF nenyaya yavanoti yekushandisa zvirongwa zvehurumende sezvebato.
Mutungamiri wenyika anoti mbeu nezvimwe zvikwanisiro zvekurima zvaanopa zvinofanira kupihwa munhu wose, asi vakawanda kumaruwa vanoti zviri kungopihwa nhengo dzeZanu-PF chete.