Gurukota rinoona nezvemukati menyika yeSouth Africa, VaMalusi Gigaba, vazivisa kuti chirongwa chekupa vana veZimbabwe mapepa ekushanda kana kudzidza munyika iyi zviri pamutemo kana kuti Zimbabwwe Special Permit chiri kupetwa neChitatu.
VaGigaba vaudza vatori venhau muPretoria kuti vose vanenge vasina mapepa munyika iyi vachatanga kudzoserwa kumusha. Vanotiwo vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi ezviuru vanofanirwa kunge vakanyorera magwaro aya.
Asi zvinonzi vanhu vanopfuura zviuru makumi matatu nezvisere vange vasati vaendesa mapepa avo.
Vanoona nezvekufambiswa kwemapepa musangano reZimbabwe Exiles Forum, Muzvare Diana Zimbudzana, vanoti vari kubatsira vamwe vasati vanyoresa kuti vawane mapapepa.
Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reZimbabwe Migrants Association, VaDaniel Muzenda, vanotiwo kuda kudzora vana veZimbabwe vari muhupoteri kumusha kuvakanda mukanwa mamupere nekuti zvinhu kuZimbabwe zvakaita manyama amire nerongo.
Hurumende iri kutonga muSouth Africa ichitungamirwa naVaJacob Zuma yange ichitaura neZimbabwe nezvevapoteri ava. South Africa ndiyo inonzi ine zvizvarwa zveZimbabwe zvakawandisa kudarika nyika dzose.