Dunhu reManicaland neChina rakavhota kuti vaimbova murongi wemabasa mubato reZanu-PF, VaDidymus Mutasa, vadzingwe nechimbi chimbi mubato vachinzi maitiro avo haachaendererani nemitemo yebato.
Musangano weProvincial Coordinating Committee wekudzinga VaMutasa uyu wakaitirwa kuMary Mount Teachers College.
Vakuru vakuru mubato iri vasina kuda kudomwa nemazita vanoti vapa kurudziro yekuti VaMutasa vadzingwe mubato igurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, negurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvare Oppah Muchinguri.
VaMutasa vari kupomerwa mhosva yekunyomba bato reZanu-PF nemutungamiri waro, VaRobert Mugabe, vachiti kongiresi yakaitwa muna Zvita yaisava pamutemo.
Nhengo dzeZanu-PF idzi dzinoti hadzisi kufara nekuti VaMutasa vari kurambawo vachizviti ndivo vachiri munyori anoona nezvekufambiswa kwmemashoko kunyangwe VaMugabe vakadoma VaIgnatious Chombo kuti vatore chigaro ichi.
Pamusangano uyu pakabudawo chisungo chekuti VaMutasa vasamirire Headlands mudare reparamende pachinzi paitwe sarudzo.
Vanoona nezvematongerwo enyika mubato reZanu-PF, VaSaviour Kasukuwere, vainge vambozivisa kuti hapana munhu achadzingwa pakapera kongiresi asi kunetsana kuri kuramba kuchienderera mberi.
Vanotsigira chikwata chiri panyanga chinonzi chinotungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vari kuda kuti vose vaitsigira vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vadzingwe mubato zvachose.
Hatina kukwanisa kubata VaMutasa kana mutauriri wedunhu reManicaland, VaSamuel Undenge, kuti tinzwewo divi ravo.
Asi VaKasukuwere vaudza Studio 7 kuti vachakamirira tsamba kubva kuManicaland panyaya yaVaMutasa iyi.
Nyanzvi munyaya dzezematongwerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Centre, VaErnest Mudzengi, vanoti kunetsana kuri muZanu-PF kuchasiya bato iri risina kusimba.