Accessibility links

Breaking News

Chikwereti cheRBZ Chotemesa Hurumende Musoro


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Komiti yeparamende inoona nezvemari yagara neMuvhuro ichikurukura bhiri remutemo rinopa masimba ekuti hurumende itore chikwereti chebhanga guru renyika, kana kuti Reserve Bank of Zimbabwe Debt Assumption Bill.

Izvi zvaitwa panguva iyo makomiti akasiyana siyana atanga kusangana kekutanga gore rino.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, uye gavhuna vebhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, ndivo vange vari mudare vachibvunzwa nenhengo dzeparamende.

RBZ ine chikwereti chinopfuura bhiriyoni rimwe chete remadhora icho yakaita pasi pevaive gavhuna vebhanga iri, VaGideon Gono, avo vaonzi vaiita mamwe mabasa ainge asineyi nezvaifanira kuitwa nebhanga iri.

Mabasa aya aisanganisira kutenga matirakita, fotereza nezvimwe zvaipihwa vanhu vari kunzi nehurumende havafanire kuburitswa mazita avo.

Asi vachitaura kukomiti yezvemari, VaChinamasa naVaMagudya vati chikwereti ichi wave mutoro kuRBZ zvopa kuti bhanga iri ritadze kushanda zvakanaka.

Gore rapera vanhu vazhinji munyika vakati havaida kuti hurumende itore chikwereti ichi uye vakati vanoda kuti vose vakapihwa mari vaburitswe mazita avo.

Asi RBZ nehurumende zviri kutsika madziro kuburitsa mazita aya.

Dzimwe nyanzvi munya dzezvehupfumi dzinoti hazvibatsire kuti hurumende, iyo iri kutatarika nechimwe chikwereti chinosvika mabhiriyoni masere emadhora, izviwedzere mumwe mutoro.

Nhengo yekomiti yezvemari, uye vari nhengo yeMDC Renewal Team, VaWillas Madzimure, vanoti vakumbira VaChinamasa naVaMangudya kuti vanogadzirisa zvimwe zvavange vasingatenderane nazvo zvikuru pamitero iri kubhadhariswa nevamwe pazvikwereti.

Hurukuro naVaWillas Madzimure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG