Magweta ari kumiririra varimi vepapurazi reManzou kuMazowe anoti aendesa mamwe mapazi ehurumende kumatare edzimhosva achida kuti matare amanikidze mapazi aya kubvisa mbizi zana dzakaiswa papurazi iri.
Magweta aya anoti zvinofanirwa kuti izvi zviitwe mukati memaawa makumi mana nemasere sezvo kuisa mhuka papurazi iri kuri kutyora mutongo wedare repamusoro wakati vanhu ava vasabviswe vasina kutanga vawanirwa pakugara nemagwaro ekuvatendera kugara kwavanenge vatamira.
Purazi iri rakanzi negururukota rinoona nezvedunhu reMashonaland Central, VaMartin Dinha, richapihwa mudzimai wemutungamiuri wenyika, Amai Grace Mugabe, avo vanoti vakanyorera zviri pamutemo kuti vashandise purazi iri kuchengetera mhuka.
Dare repamusoro rakapa mutongo svondo rapera neMuvhuro richiti vanhu ava havafanire kubviswa papurazi iri nechisimba vasina kuwanirwa kwekugara.
Varimi ava vaudza Studio7 kuti mbizi idzi dziri kudya zvirimwa zvavo uye mapurisa ari papurazi iri ari kuvarambidza kuvaka zvitumba zvekupotera kana kuchinaya kana zvimbuzi. Vati vari kutyira kuti vachabatira zvirwere.
Rimwe remagweta ari kumirira varimi ava, VaTonderai Bhatasara, vanova nhengo yesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti kuisa mhuka kuri kuitwa papurazi imwe nzira yekudzinga nayo vanhu ava.
Sachigaro wesangano reZimbabwe Conservancy Taskforce, VaJonny Rodgiguez, vanoti kuda kugadzira nzvimbo inogara mhuka paManzou zvinogona kudya mari inosvika mamiriyoni gumi emadhora.
Hapana anoziva kuti mari iyi ichabva kupi. Asi vamwe vanoti bazi rezvemhuka dzesangano ndiri richavaka nzvimbo iyi.
Mutauriri weZimParks, Muzvare Caroline Washaya Moyo, varamba kutaura vachiti titaure nemukuru wavo, VaGeoffreys Matipano, avo vange vasingadaire nharembozha yavo.