Vaimboona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, avo vakadzingwa mubato iri neChitatu, vanoti havacherechedze kudzingwa kwavakaitwa nekuti Politburo yakavadzinga haina kusarudzwa pachiteverwa bumbiro remitemo yebato.
Asi VaMutasa, avo vakashanda nemutungamiri webato, VaRobert Mugabe, kwemakore anodarika makumi mashanu, vanoti zviri kuitika mubato zvinoratidza pachena kuti mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe ndivo vave panyanga.
Mutauriri webato reZanu-PF VaSimon Khaya Moyo, vakazivisa neChitatu kuti VaMutasa nevaimbove sachigaro weMashonaland West, VaThemba Mliswa, vainge vadzingwawo pamwe chete naVaMutasa.
VaMliswa vanomirira Hurungwe West muparamende. Vamwe vakadzingwa mubato mushure mekongiresi yemuna Zvita vanosanganisira vaive sachigaro wesangano reZimbabwe Liberation War Veterans Association, VaJabulani Sibanda, nevaive mutauriri webato, VaRugare Gumbo.
VaMutasa vanoti semuenzaniso Amai Mugabe vainge vakagara pachigaro chinogarwa nevakuru vebato chete kana kuti presidium pamusangano wePolitburo.
Amai Mugabe vakagara vataura kare kuti VaMutasa, avo vanodaidzwa nechikwata chinotsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nerekuti gamatox, vaifanirwa kudzingwa mubato.
Zvichakadaro VaMugabe vakazivisawo kuti vadzinga basa gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti.
VaBhasikiti ndemumwe ange achinziwo anoshanda nevanhu vaitsigira vaimbova mutevedzeri wemuntungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.