Accessibility links

Breaking News

Hupenyu Hwedu

ZINATHA Yokurudzira Veruzhinji kuMhan'garira N'anga Dzinoti Dzinorapa Dzichishandisa Nhengo dzeMunhu

Zimbabwe National Traditional Healers Association, ZINATHA
Zimbabwe National Traditional Healers Association, ZINATHA

Svondo rapera nyika yakamuka ichinzwa nezvenyaya yekufa kwemwanakoma ane makore manomwe, Tapuwa Makore, uyo aigara mudunhu rekwaMukarakate pasi paIshe Mangwende kwaMurehwa.

Chakazonyanya kukatyamadza vanhu ifiro inonzi yakaita mwana uyu, yekupondwa, uye kudimurwa-dimurwa kwenhengo dzemuviri wake nemhondi dzinofungidzirwa kuti dzaida kuzotengesa nhengo idzi kune dzin'anga kana vanamuzvinabhizimusi.

Chinotsamwisa pamwe nekusuvisa ndechekuti pamhondi idzi pane murume wemakore makumi mana Tafadzwa Shamba, uyo anofungidzirwa kuti ane chekuita nekuurayiwa kwemwana uyu.

Mapurisa anoti murume wemakore makumi mana uyu mufudzi wemombe weimwe mhuri inogara mubhuku rimwechete nemhuri yemukomana uyu.

Pane fungidziro yekuti Shamba nevamwe vake vakapamba mukomana uyu kubindu kwaakange aenda vakamuchengeta mune rimwe gomo kusvika hwave usiku apo anofungidzirwa kuti akazomuuraya achishanda nedzimwe mhondi dzinonzi nemapurisa dzichiri kutsvagwa.

Mushure mekuponda mwana uyu, imwe yemhondi idzi inofungidzira kuti yakazotora musoro wemwana uyu yakaenda nawo kwaJuru, uko kunonyanyozivikanwa sekwaBhora, mushure mekuvimbisa mufudzi wemombe uyu mari inoita madhora ekuAmerica chiuru nemazana mashanu.

Pane fungidziro yekuti mhondi idzi dzaishanda nemumwe muzvinabhizimusi kana n'anga, vanogona kunge vakati dzitsvage nhengo dzemwana mudiki.

Mubvunzo uri pamiromo yevanhu vakawanda ndewekuti mukore uno kuchine vanhu vari kutsvaga kupfuma vachishandisa mishonga? Mishonga ine ropa remunhu?

Munyori wedzidzo musangano revarapi vechivanhu reZimbabwe National Traditional Healers Association, ZINATHA, Sekuru Prince Mutandi Sibanda, vanoti sangano ravo hari bvumidze nhengo dzaro kushandisa ropa remunhu.

Sekuru Sibanda vanoti kana kuchine n'anga dziri kuti dzinoda kusanganisa mishonga nenhengo dzemunhu, veruzhinji vanofanirwa kumhan'gara kumapurisa nekukasika.

Ko handiti vakuru vakati "Kupfuma ishungu?" Hazvirevi kuti unoita shungu dzekupfuma nekudeura ropa remunhu. Hupenyu hwemunhu hunokosha kuraswa nenzira yakadaro.

Hurukuro naSekuru Prince Mutandi Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


See all News Updates of the Day

Murume weChichena, VaKevin Oliver, Avo Vanorara muMotokari kuChitungwiza, Votsvaga Rubatsiro rwePekugara neZvekudya

Chitungwiza
Chitungwiza

Muchikamu chedu chatinotarisa zvatinosangana nazvo muhupenyu, svondo rino tine hurukuro nemurume wechichena, VaKevin Oliver, avo vanogara kuUnit L kuChitungwiza vasina pekugara zvakasvitsa kuti vange vachirara mumotokari .

VaOliver vanoti vaimbotyaira makombi asi vakazorasikirwa nebasa zvakasvitsa pakuti vange vachishaya mari yekuzvibhadharira pekugara nechekudya.

Vanoti mhuri yavo yemudzimai nevanasikana vaviri yakaparara mutsaona yeCyclone Idai kuChimanimani uye havana dzimwe hama dzekuti dzingavapawo rubatsiro rwavari kutsvaga.

VaOliver vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwepekugara uye chikafu, vachiti vakazvipira kushanda kana paine vanokwanisa kuvawanisa basa.

Vanoda kubata VaOliver vanokwanisa kuvabata panhamba dzenharembozha dzinoti +263 780819589.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, Vanoti Varairidzi Havachina Masimba eKuranga Vana vanotsautsira

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, Vanoti Varairidzi Havachina Masimba eKuranga Vana vanotsautsira
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:42 0:00

Mutungamiri wesangano revarairidzi rePorgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti dambudziko remisikanzwa nekushurudzana kwevana muzvikoro zviri kukonzerwa nekuti varairidzi havachina masimba ekuranga vana vechikoro.

Kunaya kweMvura Yakawanda Kwoparadza Dzimba neMinda kuGokwe Chitekete

Kunaya kweMvura Yakawanda Kwoparadza Dzimba neMinda kuGokwe Chitekete
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Doctor Kika, Voshoropodza Zvakasimba Danho reSeneti Rekupasisa PVO Bill

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Doctor Kika, Voshoropodza Zvakasimba Danho reSeneti Rekupasisa PVO Bill
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:40 0:00

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Doctor Musa Kika, vari kushoropodza zvikuru danho redare reSeneti rekupasisa bhiri riri kushoropodzwa zvakanyanya nevakawanda rePVO Bill, iro vanoti rinosunga mashandiro emasangano akazvimirira. Bhiri iri ramirira kusainwa nemutungamiri wenyika.

Hupenyu Hwedu Tiina VaAmos Chibaya veCCC Vachitaura neMabatirwo Avaiitwa Vari muHusungwa

Hupenyu Hwedu Tiina VaAmos Chibaya veCCC Vachitaura neMabatirwo Avaiitwa Vari muHusungwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:10 0:00

Muchirongwa che"Hupenyu Hwedu-Our Lives," nhasi tine hurukuro nemurongi wemisangano mubato rinopikisa reCCC, VaAmos Chibaya, vachitsanangura mabatirwo avanoti vaiitwa vari muhusungwa ivo pamwe nedzimwe nhengo dzebato ravo makumi maviri neshanu dzakasungwa kuBudiriro masvondo maviri adarika.

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG