Hurumende neMuvhuro yakasvitsa chikumbiro kudare ramejasitiriti chekuti dare ripe mutongo wekuti meya weHarare vakambomiswa basa VaJacob Mafume, avo vari kupomerwa mhosva yekuita huori mukanzuru yeHarare vasabvumidzwe kubuda mujeri kusvika mhosva yavo yatongwa.
Apo vanhu vari kukurudzirwa kuti vatange kugara mumba kutanga mangwana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira kuti vangwarire kutapurirwa chirwere sezvo parizvino vanhu vari kuvhenekwa vachiri vashoma.
Dare remajaji mashanu iri rakatonga kuti vakachata zviri pamutemo vanogona kusiya hupfumi hwavo kumunhu wavanoda asiri wavakange vakawanana naye.
Sangano reWomen’s Academy For Leadership And Political Excellence (WALPE) rinoti raendesa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kudare repamusoro redzimhosva kuvamanikidza kuti vatevere bumbiro remutemo mukupa vanhukadzi mikana ye zvehutungamiri yakaenzana neye vanhurume.
Vakaremara vari kukurudzirwa kuti vanyore mabhuku pamusoro pezvavanosangana nazvo vasingamirire zvinyorwa zvionoitwa nevanhu vasinganyatsonzwisise zvishuvo zvavo.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi nemusi weSvondo vakadzokorora kuti mauto nemapurisa achashanda kuona kuti vanhu vatevedzera kurudziro yemutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga neMugovera yekuti vagare mudzimba.
Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vasere vafa nechirwere ichi nemusi weMugovera.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati sebato vari kushushikana zvikuru nekufa kwaVaEmmanuel Chimwanda, avo vanga vari munyori wezvekuchengetedzwa kwenyika.
Mumwe mugari wemuHarare, VaVictor Ndlovu, vati makore ese vanosimboenda kumusha kuzororo regore dzva, asi rwendo rwuno vatamba zuva ranhasi vari pamba pavo vachiremekedza zvakataurwa nemapurisa kuti vanhu vasaungane.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vati kanzuru yeHarare iferefetwe zvakadzama mafambisiro ayanga ichiita basa senzira yekufukunura huwori hunonzi nehurumende hwanga huchiitika mukanzuru iyi kwenguva yakareba.
Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika yose vave zviuru gumi nezvitatu zvine mazana masere nemakumi matanhatu nevanomwe, kana kuti 13 867 zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vanhu mazana maviri nemakumi mana nevaviri, kana kuti 242 vaine chirwere ichi.
Pane mhuri dziri kuda rubatsiro dzinosvika makumi manomwe nesere dzakagariswa pachikoro cheMutambara Mission mushure mekutamiswa nehurumende sedanho rekudzichengetedza kubva kumafashamu eCyclone Chalane.
Rodhai zvimwe