Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Onetsana neMagweta paNyaya yeKuuraya Vanofungidzirwa Kuti Imbavha


Paul Nyathi -Police2
Paul Nyathi -Police2

Mapurisa anoti mumwe murume, Blessing Sumbani Sithole anofungidzirwa kuti aive pachikwata chembavha dzakaba kukambani yeQuest Financial Services kuBelgravia muHarare muna Kukadzi akapfurwa akafa ari mumaoko ematikitivha eCentral Intelligence Department kana kuti CID.

Mumashoko padamdemutande reX, mapurisa azivisa nhasi kuti akauraya VaSithole vane makore makumi mana nemasere ekuberekwa kuSouthlea Park muHarare pedyo nerwizi Mukuvisi. VaSithole nevamwe vavo vange achipomerwa mhosva yekuba mari inosvika US$720,676.00, ZAR 10,500.00, ane Euro 120.00 uye pfuti yemhando ye7.65 mm CZ Vzor pistol nemalaptops matatu musi wa25 Kukadzi.

Vamwe vange vasungwa asi Sithole ndiye ega ange asara akawanda kuChiredzi uko akazosungirwa. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti pavaienda kunovaratidza pavainge vaviga imwe pfuti yavo, vakabva vayedza kuikoka nekuda kupfura matikitivha zvakapa kuti vabve vapfurwa nemapurisa nekumusana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vamwe vakaita segweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vanoti vave kushushikana nehuwandu hwevanhu vanenge vasungwa vari kufa vari mumaoko emapurisa sezvo vachifanira kunge vakachengetedzwa zvakasimba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muna Zvita, mapurisa akasunga vamwe vaifungidzirwa kuti vainge varura nekuba muHarare nenzvimbo dzakapoteredza vanosanganisira Misheck Takawira Njowa (24), Jonas Daniel Mubaiwa (22), Shadreck Njowa (20), Job Nyashadzaishe Njowa (26), Cloudious Pemberengwa (39), Shepherd Magorimbo (30), Sydney Takavada (40), John Amon Ndlovu (34) uye Godwin Chawaguta. Vapfumbamwe ava vakapfurirwa muna James Martin Avenue kuLochinvar kwavainzi vainge vakawiga pfuti.

Mapurisa akazivisa kare kuti haasi kuzozengurira kupfura nekuuraya vanofungidzirwa kuti vanenge vari nhinhi vachida kupinza hupenyu hwemapurisa munjodzi.

Kunze kwevanopfurwa vari mumaoko emapurisa, pane vamwe vanhu vakawanda vari kupfurwa nemapurisa vachiferefetwa nemapurisa.

KuBanket, gore rapera, VaDavid Kanyenze vakaitwa fafiramberi nemapurisa emunharaunda kana kuti neighbourhood Watch Committee vakafa vari mukamba yemapurisa.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanotikunyangwe nyika yakati hapachisina mutongo werufu, mapurisa ari kungoita izvi. Asi VaNyathi vanoti kana mapurisa ari kuurayiwawo kana kuti kukuvadzwa.

Forum

XS
SM
MD
LG