Accessibility links

Breaking News

Vane Hama Dzakafira Mutangi reWine kuSouth Africa Vanoti SaPurazi Haana Kuvapa Rubatsiro


Imwe mhuri ine hama yakafa mushure mekuwira mutangi rainge riine mudzambiringa kana kuti wine pane rimwe purazi kuWestern Cape, South Africa inoti yakazokwanisa kuradzika hama yavo svondo rapera mushure mekusangana nematambudziko makukutu.

Vakafa zvizvarwa zveZimbabwe zvitatu zvinoti VaTonderai Mabikire, VaSalim Alifeli uye VaWashington Mukweni.

Hama yamushakabvu Mabikire, VaKidwell Makaza vanoti muzvinapurazi rakafira hama yavo nevamwe akaramba kuvabatsira kuunza mutumbi kumba vakatozokwanisa kuradzika mufi mushure mekunge zvizvarwa zveZimbabwe zvapindira nekuita mudengu mudengu.

Parizvino vanoti vari kushanda nemasangano akaita seZimbabwe Migrants And Refugees Support Network kuti vayananiswe nemuridzi wepurazi raishanda hama yavo.

Studio7 haina kukwanisa kutaura namuzvina purazi sezvo nhare dzake dzange dzisingadairwe. Hatina kukwanisa kunzwa divi remuzinda weZimbabwe muSouth Africa panyaya iyi.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG