Accessibility links

Breaking News

VaKazembe neMamwe Mapurisa Vonzi Vabhadhare Mudzimai Akarohwa Ari Muhusungwa


VaKazembe Kazembe
VaKazembe Kazembe

Gurukota rinoona nezve mukati menyika VaKazembe Kazembe, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga nemamamwe mapurisa matatu vanzi nedare ramejastiriti kuMasvingo varipe mumwe mudzimai wekuZaka zviuru zviviri nemazana mashanu zvemadhora kana kuti US$2,500 mushure mekurohwa zvakaipisisa ari kukamba yemapurisa yeChivamba.

Mudzimai uyu, Amai Theresa Nkosana vakarohwa nemapurisa vachinzi vataure kwainge kwatizira mwana wavo, Byron Chedimbwa ainzi ainge atadza kupedza chirango chake chekuchenesa nharaunda kana kuti “community service” mushure mekuba nharembozha.

Amai Nkosana vaimirirwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu anova nhengo dzesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights Amai Peggy Takavagadza naVaMartin Mureri.

VaMureri vaudza Studio 7 kuti mapurisa akasabhadhara anobatirwa zvinhu. Mapurisa akabatwa nemhosva aya anoti Constable Sibanda, Constable Njaya, Constable Mushonga nemumwe wavo asati azivikanwa zita rake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG