Accessibility links

Breaking News

Studio 7 Yopemberera Makore Makumi Maviri neRimwe Kubva Zvayatanga Kutepfenyura


programs-studio7
programs-studio7

Pakaparurwa Studio 7 musi wa 7 Kubvumbi 2003, zvirongwa zvose zvaiitwa mumaminetsi makumi matatu, Shona yaiitwa mumaminetsi makumi maviri ukuwo Ndebele maminetsi gumi.

Nhau dzinotepfenyurwa neStudio 7 idzi kubva zvayatanga kuenda pamhepo dzakakosha zvikuru kumhuri yeZimbabwe uye tinoda kutenda sangano reUSAID rakatsigira zvirongwa zvekutanga izvi.

Zvirongwa zvekutanga zveShona zvaitepfenyurwa kuruzhinji namushakabvu Carol Gombakomba naChampion Chigwedu, nhau dzeNdebele dzaitepfenyurwa kuruzhinji naPraxedes Jeremiah, Chris Gande naNjabulo Ncube. Studio 7 kubva nguva iyi yakabva yatekeshera zvikuru muZimbabwe nedzimwe nyika.

Nekuda kwekufarirwa kwenhau dzedu, zvirongwa zvakazowedzerwa nguva kuita maminetsi makumi matatatu muchirongwa chega chega dzichitepfenyurwa kwemazuva manomwe muShona neNdebele.

Parizvino, Studio 7 ine vashamarari makumi maviri nerimwe muZimbabwe, Botswana, South Africa nevamwe gumi nevatatu vari muWashington DC, Studio 7 iri kuramba yakamira semusambangwena pakupa vanhu nhau dzisina divi radzakarerekera.

MuWashington DC Praxedes Jeremiah ndiye anopepeta chirongwa cheNdebele ukuwo Blessing Zulu achipepeta chirongwa cheShona. Anotungamira zvirongwa zvose izvi ndiRay Choto.

Patiri kupemberera makore makumi maviri nerimwe tichitepfura, tinoda kukutendai nekuramba muchititsigira. Tinoshuvira kuramba tichitepfenyura kwemakore akawanda tichikuzivisai zvinenge zvichiitika munyika nekunze.

Forum

XS
SM
MD
LG