Chikwata chenhabvu cheChicken Inn chotatarika panguva iyo zvikwata zviri kuchitevera zvamuka chibhibhenenga.
Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yatsvuka ropa apo zvikwata zvine mukurumbira zvodamburana.
Kuchange kune makuwerere pamabiko emakota fainari eChikuku Super Cup mukupera kwesvondo kuNattional Sports muHarare.
Chikwata chine mukombe we Castle Lager Premier Soccer League cheDynamos chave kuomerwa nemakundano egore rino.
Kunenge kusingadanwe anonzwa mukupera kwesvondo apo makwikwi enhabvu eCastle Premier Soccer League hwonanga kwamvura yacheka makumbo.
Vatsigiri venhabvu muZimbabwe vachiri netariro muchikwata chavo chemaWarriors kunyange chakatarika mukuita mangange pamusha nemaSyli Nationale ekuGuinea. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael kariati anotaura neve mumhuri yenhabvu.
Vatsigiri venhabvu muZimbabwe havasi kutarisira chimwe chinhu kunze kwekukunda apo chikwata chavo chirikupinda munhandare nesvondo mumutambo wavo we2017 Africa Cup of Nations neGuinea.
Zvikwata zviri pamusoro soro peCastle Lager Premier Soccer League zviri parumana nzombe apo makwikwi opinda muvhiki remakumi maviri nerimwe chete.
Kutanga gore rinouya mwana wese wechikoro achenge achimanikidzwa kuita zvemitambo.
Khumalo, uyo akaita mukurumbira achitambira chikwata chenyika cheDream Team, akashaika kuMzilikazi nemusi weMugovera.
Mutambo pakati pema Mighty Warriors ne Ivory Coast wanga uchifanira kutambwa neSvondo wasvika panguva yakaoma sezvo Ivory Coast isati yazivisa Zifa kuti ichauya here kana kuti kwete.
Vanoita zvekutengesa zvinhu munzira vanoti chishuwo chavo ndechekubatsira nyika kuitira kuti ibude mumadhaka mairi kunyange hazvo ivo vari parumhananzombe.
Kune mitambo miviri iri kumedzesa veruzhinji mate mumwe wacho uri muHarare pakati peDynamos neZPC Kariba, mumwe wacho muBulawayo pakati peHow Mine neHighlanders.
Pasuwa akaregedza basa nezuro apo chikwata chemaYoung Warriors chakadzoka kubva kuSouth Africa uko vakanorohwa 3-0.
Mutambo uri kutaurwa nezvawo ndeuyo wakaita mangange 1-1 pakati peHighlanders neDynamos uyo waishevedzwa kunzi Battle for Zimbabwe Part 2.
Chikwata cheZimbabwe change chiri mukamba kwemazuva akati wandei izvo zviri kufadza vari kutungamira chikwata ichi, Muzvare Viola Musariri.
Izvi zvinotevera kukundikana kuenda kuIvory Coast kumutambo we2016 Olympic Games mushure mekunge Zimbabwe Football Association, Zifa, yatadza kuwana mari yendege.
Chikwata chenhabvu chevanhukadzi chemaMighty Warriors chakananga kuAbidjan kuIvory Coast uko chiri kunosanga nemaElephants mumutambo wemunzira yekuenda kuma 2016 Olympic Games.
Dynamos yadzikira pamamiriro akaita zvikwata zviri mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League zvichitevera mitambo yakawanda yakapera ari mangange ega ega.
Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ave kupinda munzira yekunopera sezvo kwasara mitambo gumi nemitanhatu pachikwata chega chega.
Rodhai zvimwe