Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yatsvuka ropa apo zvikwata zvine mukurumbira zvodamburana.
Mutambo mukuru uriko ndeuyo uri kuBarbourfields kuBulawayo neSvondo pakati pechikwata chiri kutungamira makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League cheChicken Inn, nechikwata chine mukombe uyu cheDynamos.
Uyu ndiwo mutambo wakanyanyokoshesesa pazvikwata zviviri izvi panguva ino yemwaka yemitambo zvekuti kuchange kusingadanwe anonzwa musi uyu.
Muongorori wezvemutambo wenhabvu VaMisheck Chisaga vanoti vari kuona mutambo uyu uchinakidza zvikuru.
Chikwata cheChicken Inn chikakunda chinenge chave pedyo pedyo nekutora mukombe wakakosha uyu, asi kukundwa kwacho nekubudirira kweFC Platinum iyo iri kutamba neTsholotsho Pirates, kunopa kuti mabhiza akawanda apinde mumujahwo.
Pari zvino, Chicken Inn iri kutungamira nemapoinzi makumi mana nemapfumbamwe ichi teverwa neFC Platinum iyo ine maponzi makumi mana nemana. Dynamos ine mapoinzi makumi mana nemaviri.
Murairidzi weDynamos Tonderayi Ndiraya anoti panguva ino hapasi pekutambisa mapoinzi achiti chikwata chake chiri kuda kukunda mumitambo yese yasara kusanganisa weChicken Inn uyowu.
Asi vaChisaga vanoti semaonero avo Dynamos haisi kumira mumutambo uyu mushure mekunge yarohwa 3-0 apo zvikwata izvi zvakasangana muHarare.
FC Platinum iyo iri kukwikwidzawo zvine mutsindo iri kubandana neTsholotsho Pirates muWhite City Stadium neMugovera.
Mushure mekubuda mumakwikwi eChibuku Super Cup murairidzi wechikwata ichi Norman Mapeza anoti rigi ndicho chave chinangwa chavo.
Vachiona mairiro akaita zvinhu, VaChisaga vanofunga kuti Mapeza nechikwata chake ndivo vachatora mukombe mukuru uyu nezviuru zana zvemadhora izvo zvichapihwa vachakunda.
Panguva imwecheteyo, varairidzi vatsva kuzvikwata zvavo Lloyd Chitembwe weCaps United naAmini Soma-Phiri wekuHighlanders vari kusanga muNational Sports Stadium neSvondo.
Mumitambo miviri yatambwa Chitembwe achirairidza chikwata cheCaps United, atora mapoinzi mana zvekuti vatsigiri vake vatanga kuimba nekumupembedza mushure menguva refu vasati vaita izvi.
Asi vachaimba zvekare here neBosso? Uyu ndiwo mubvunzo une vatsigiri vakawanda veCaps United, asi veBosso vachiti nhasi ndezveduwo.
Mimwe mitambo irko ndeiyi,
Chapungu v Buffaloes
Flame Lilly v ZPC Kariba
Harare City v Triangle
Whawha v How Mine
Dongo v Hwange
Zvakamira zvakadai, gurukota idzva rezvemitambo VaMakhosini Hlongwane vatanga basa ravo vaine uturu mushure mekutuma veSport and Recreation Commission kuti vaongorore nyaya yekuti Zimbabwe yakatumira vatambi vaive vakakuvara kumakundano e2015 Africa Games ayo akaitirwa kuCongo.