Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zvotashurana neMugovera neSvondo


Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kupinda munharaunda yechipiri zvichitevera kutamba kwezvikwata izvi zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemitambo inotambwa gore rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ave kupinda munzira yekunopera sezvo kwasara mitambo gumi nemitanhatu pachikwata chega chega.

Chicken Inn iri kutungamira nepoindi imwe chete pamusoro peTriangle iyo ine mapoinzi makumi maviri nemasere.

Asi mutambo mukuru uriko uri kuGibbo Stadium neSvondo apo chikwata cheHighlanders chiri kusangana neTriangle.

Muteveri weHighlanders, VaTichafa Musarurwa, vanoti vari kuda kuwedzera kuchema kweTriangle nekurova maSugar Sugar Boys aya pamusha pavo.

Chicken Inn iri kutarisira kuramba iri pamusoro nekudambura Caps United apo vari kusangana muLuveve Stadium neMugovera.

Svondo rapera maGame Cocks akarohwa 2-0 neMakepeke muNational Sports Stadium zvekuti murairidzi weCaps United, Mark Mathe, ari kuti vakashandisa mikana yavari kuwana, zvinhu zvinovafambira.

Zvimwechetezvo ndizvo zviri kuchema naTaurayi Mangwiro weHarare City uyo aona chikwata chake chichiita mangange mumitambo miviri yapera iyo anoti vaifanira kukunda asi vakakoniwa nenyaya yekusashandisa mikana.

Svondo rapera, Harare City yakaita mangange 0-0 neFlame Lilly asi maSunshine City Boys ari kutarisirwa kukunda mumutambo uyo vari kusangana muRufaro Stadium mangwana zvekare.

Vatungamiri veHarare City havasi kufara nematambiro ari kuita chikwata chavo zvekuti Mangwiro anofanira kutanga kukunda kuti achengetedze basa rake.

Pagore ra2014 chete, Harare City yakapesana nevarairidzi vaviri, Bigboy Mawiwi neMasimba Dinyero, zvekuti Mangwiro anofanira kugadzirisa zvinhu kuti asatevere nzira imwe cheteyo.

Mumwe murairidzi ane hupenyu huri patambo ndiDavid Mandigora weDynamos uyo ari kukumbira rutsigiro kubva kuvateveri vechikwata chake avo vari kushevedzera kuti ngaaende.

Kunyange hazvo Dynamos yakasiiwa nechikwata chiri kutungamira cheChicken Inn nemapoinzi maviri chete vatsigiri vechikwata ichi havasi kufara naMandigora asi iye ari kuti ngavapore.

Dynamos iri kudamburana neHwange muRufaro Stadium neSvondo mushure mekunge zvikwata izvi zvakaita mangange 0-0 svondo rapera.

Mimwe mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yakamira seizvi.

FC Platinum v Chapungu (Mandava Stadium).

How Mine v Buffaloes (Luveve Stadium)

Whawha v Dongo (Ascot Stadium).

XS
SM
MD
LG