Chikwata cheZimbabwe chevanhukadzi chemaMighty Warriors chatarisana nekudzingwa mumakwikwi ezvemitambo epasi rose emaOlympic Games.
Izvi zvinotevera kukundikana kweMighty Warriors kuenda kuIvory Coast kumutambo we2016 Olympic Games mushure mekunge Zimbabwe Football Association, Zifa, yatadza kuwana mari yendege.
Chikwata ichi chaifanira kusimuka neChishanu manheru, zvikazochinjwa zvichinzi chava kusimuka Mugovera mangwanani, izvo zvisina kuitika.
Izvi zvave kureva kuti maMighty Warriors abuda mumakwikwi aya, uye atarisana nekudzingwa mumakwikwi ezvemitambo epasi rose emaOlympic Games sezvinotaura mitemo yemakundano aya.
Izvi hazvina kufadza vateveri venhabvu vakawanda. Mutungamiri weZimbabwe Footballers Trust, VaFrancis Zimunya Nyamutsamba, vanoti izvi zvinonyadzisa zvikuru.
Pamusoro pezvo, Zifa icharipiswa mari yakawanda neConfederation of African Football mushure mekunyoresa chikwata ichi mumakundano aya isina mari yacho yekukwikwidza.
Vaimbove Chief Executive Officer wePremier Soccer League, VaChris Sambo, vanoti vari kurwadziwa zvikuru nezvaitika izvi.
VaSambo vanoti vakagara vazviona kuti Zifa ichadzingisa chimwe chikwata chenyika nemaitiro ayo.
Asi Zifa iri kukumbira ruregerero kumaMighty Warriors nekuruzhinji rweZimbabwe nemhaka yekutadzisa vasikana ava kunotamba mutambo wakakosha uyu.
Mugwaro rapihwa vatori venhau, Zifa iri kukandirawo mhosva kuhurumende ichiti yakaudza hurumende hurongwa hwayo hwegore rino rese, asi haina kuwana ruyamuro rwemari.
Asi mujmwe mutsigiri wenhabvu, Va Ishmael Makuwaza, vanoti mukuru weZifa, VaCuthbert Dube, nevamwe vavo vanofanira kubvuma kuti zvinhu zvavaomera vosiya basa.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaDube divi ravo panyaya yekuti ivo nevamwe vavo vasiye basa.
Panguva iyo maMighty Warriors aive akagariswa mudhishi, maYoung Warriors aive muRufaro Stadium umo vakaita mangange 1-1 neamaAmaglug Glug ekuSouth Africa mumutambo wekutanga wemakundano e2015 Africa Youth Championships.
Zimbabwe yakapotsa yarohwa, asi yakazoponeswa nepenareti yakabva kuna Walter Musona kuti ruzhinji rwaive munhandare rusimuke nekupemberera.
MaYoung Warriors ari kusangana zvekare neSouth Africa mumutambo wechipiri mukupera kwesvondo rinouya.
Asi maneja weZPC Kariba, VaPaul Chamalizeni, vanoti Zimbabwe inongoda kutanga kunwisa kuti vapedze mutambo uyu.
Kunyange hazvo chikwata chetenesi chakakunda Moldova 5-0, panguva imwe cheteyo Zimbabwe yakazokwanisa kurovawo India mumutambo wekiriketi weT20 muHarare Sports Club neSvond, vari kunyanyopemberera ndeavo vanotevera mutambo wetsiva.
Mutambi wemuZimbabwe, Charles Manyuchi, akaenda ndokunorova Gianlucca Frezza weku Italy pamusha pake munharaunda yechitanhatu.
Kukunda uku kwasiya Manyuchi achiswedera pedzo nekuda kusvika kurwira mukombe wakakosha wepamusoro soro weWorld Boxing Council uyo una Floyd Mayweather wekuAmerica.