Kuchange kune makuwerere pamabiko emakota fainari eChikuku Super Cup mukupera kwesvondo kuNattional Sports muHarare.
Vatsigiri venhabvu varikupembera mushure mekunge vapihwa mukana wekuona mitambo miviri pazuva rimwechete nemari yavanobhadhara kuona mutambo mumwechete mumakotafainari eChikuku Super Cup.
Izvi zvirikuta ngamangwana apo chikwata chirikutungamira makundano eCastle Lager Premier Soccer League cheChicken Inn chirikusangana neChapungu nenguva muNational Sports Stadium umo murikutambirwa mitambo iyi yese.
Mutambo uyu uchingopera uchateverwa nemumwe pakati peTriangle ne Harare City izvo zvirikutarisirwa kuunganidza
rungwanda-ngwanda rwevateveri vemutambo uyu. Muteveri wenhabvu vaAndrew Rwodzi vanoti varikutenda vePremier Soccer League nekuvapa mukana uyu vachiti ivo vachange varimowo munhandare umo varikutarisira kusangana nehama neshamwari dzakawanda. VaRwodzi vanoti nyika yese yakatarisa kumitambo iyi. VaRwodzi vanoti kunyange havo varikunakidzwa nematambiro arikuita
Triangle gore rino chishuwo chavo ndechekuti Harare City ikunde mumutambo weChibuku Super Cup uyu. Nesvondo chikwata cheZPC Kariba pamwe neHow Mine ndizvo zvichatanga kupinda munhandare masikati dzichizoteverwa nemutambo mukuru pakati peFC Platinum neDynamos.
Zvikwata izvi zvakasangana zvekare mumutambo weligi svondo rapera Dynamos ikadamburwa 3-1 asi mumwe mutsigiri weDembare vaFanuel Mureriwa vanoti iyo inhoroondo vachiti ivo ikozvino Kugona Kunenge Kudada haimire.
Asi mumwe mutsigiri weFC Platinum vaProsper Magugu vanoti FC Platinum haisi kurova Dynamos chete asi kuti ndiyo ichatora mukombe uyu. Asi mutambo wenhabvu hausiriwo wega une mabiko mukupera kwesvondo. Vamhanyi venzendo refu vane mukurumbira vese vachange vakaungana nesvondo rungwanani mumakundano eWestgate Half Marathon ayo ane makiromita anosvika makumi maviri nerimwe chete.
Mujaho uwu uri kuunganidza wese anozivikanwa nenyaya dzekumhanya nemhaka yemazimari mazhinji anosvika zviuru zvitatu achapihwa achasiya vese kuvanhurume nekuvanhukadzi. Vaviri vachatevera vachapihwa chiuru chimwechete nemazana mashanu emadhora pamwe nechiuru chemadhora zvichienda zvakadaro.
Jacob Mugomeri weRimuka Athletics Club ndiye akatora mukombe uyu gore rapera asi Wirimai Juwao naCuthbert Nyasango avo vakananga kumaOlympic Games a 2016 havasi kuzoregedza achienda zvekare nemari yese iyi vasina kuiwrira zvakasimba.
Vamwe vari kutarisirwa kukwikwidza zvinemutsindo ndi Lewis Masunda, Edmore Sibanda, Jonathan Chinyoka pamwe naKelvin Pangiso uyo akatora mukombe uyu muna 2013.
Rutendo Nyahora uyo ari kubva kuSouth Africa ndiye akatora mukombe uyu mumakwikwi evanhukadzi gore rapera asi Constance Nyasango ari kudzoka kubva kumaAfrica Games kuCongo achisviko kwikwidza. Vamwe vari kutarisirwa kuvepo ndi Faith Nyasango, Sharon Tawengwa, Tabitha Tsatsa, naSamukeliso Moyo avo vane mukurumbira mukuru munyaya dzekumhanya nzendo resfu idzi. Zvakamira zvakadai.
Makundano ema2015 Africa Games arikusvika kwamvura yacheka makumbo mangwana mumakiwikwi ayo Zimbabwe isina kunyatso kwikwidza zvine mutsindo.
Zimbabwe irikudzoka nemduru shoma shoma dzinosvika idzo nomwe chete nhatu dzego ridhe neina dze bronze.
Panguva imwecheteyo nyika dzakanyanyobudirira kumakundano aya Egypt neSouth Africa dzirikudzokera kumba dzine mufaro mushure mekutora menduru dzinodarika zana negumi. Izvi zvirikuratidza kuti Zimbabwe ine mutoro mukuru apo takatarisana nemakundano e2016 Olympic Games.