Munhu mumwe chete anonzi akafa nechirwere che typhoid, vamwe makumi maviri nevatatu vachinzi vabatwa nechirwere ichi kubva pakatanga kuonekwa chirwere ichi muHarare mwedzi wapera.
VaMubaya, avo vave kusvitsa makore makumi mashanu nemaviri ekuberekwa, vakaberekerwa muguta reBulawayo, vakazokurira kuChitungwiza
Gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha vakazivisa kuti kutanga mwedzi unouya, hurumende iri kudzika mutemo we Consignment Based Conformity Assessment Instrument # 132 of 2015
Masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kushora zvikuru danho remapurisa rekuparadza kufora kwaakanga aronga uku achishandisa chisimba pamwe nekurova vamwe vanhu zvakaipisisa.
Chirwere cheTyphoid chinonzi chakaonekwa mumisha yeGlen Norah, Glen View, Budiriro, Hopley neHatfield.
Dare repamusoro reGauteng North muSouth Africa rakatonga kuti vanhu vose vanosungwa nenyaya dzine chekuita nekupinda pamwe nekugara munyika iyi vanofanirwa kumiswa pamberi pematare mukati memazuva maviri, kukundikana kwazvo vanofanirwa kuburitswa muhusungwa.
Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Activists Alliance rinoti rino katyamadzwa nedanho ratorwa nemapurisa rekushevedza nhengo dzaro kumusangano weJoint Operation Command kana kuti JOC, uyo unonzi uchaitwa neChina masikati
Nyanzvi munyaya dzechikafu uye vari mukuru wesangano rinobatsira nechikafu munyika, reChristian Care, Reverend Stanlus Chatikobo vanoti hurumende yatora danho rakanaka rekutanga kupemha ichi tsvaga rubatsiro rwechikafu
Nekuona kutekeshera kwedambudziko rehuwori munyika, hurumende svondo rapera yakaparura chirongwa chinokurudzira vana vezimbabwe kuti vabatane mukurwisana nehuwori chainoti “Against Corruption Together”.
VaDzamara, avo vakapambwa nevarume vanofungidzirwa kuti vasori musi wa9 Kurume gore rapera, vari kusvitsa mwedzi gumi nemumwechete musi weChipiri pasina ruzivo rwekwavari.
MDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube yakasangana mukupera kwesvondo yakasunga kuti vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, VaMoses Mzila Ndlovu vabve pachigaro ichi
Hurumende yabvuma zvino kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu, izvo zvaita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatare nzara iriko sedambudziko rakaipisisa.
Sangano revarairidzi vekumaruwa, reRural Teachers Union of Zimbabwe, kuburikidza negwaro raraburitsa rinoti rinotambira danho iri senzira yekutambira kwehurumende kuti yakundwa nesimba revashandi.
VaNick Zemura, vanove chizvarwa cheZimbabwe chiri muMaryland kuAmerica, vanoti munhu wakashingirira muhupenyu unokwanisa kuona zvizhinji zvezvaunoshuvira uchiri mudiki zvichibudirira
Rimwe sangano revarimiri, reZimbabwe Commercial Farmers’ Union, ZCFU, rinoti varimi vanofanirwa kutambira kurudziro yehurumende yekuti vatapudze zvipfuwo zvavo munguva ino yekushaikwa kwemafuro, kuitira kuti vasazorasikirwa nepfuma yavo.
Sangano Harare Residents Trust rinoti rine hurongwa hwekusangana nameya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, pamusoro pemashoko ekuti kanzuru yakati vagari vari kuSt. Martins nenzvimbo dzakapoteredza, vadzure chibage chavo chakarimwa munzvimbo dzisina kuvakirwa
Amai Dongo vanoti vanofunga kuti imba yavo yakaita zvekupiswa nevanhu sezvo chiutsi chakabuda mumoto uyu chakanga chakasimba zvikuru uye chichikachidza
Dutumupengo rine chandomupengo rinonzi Jonas raive nemhepo yaidarika makiromita makumi masere paawa rakavhiringa matunhu akawanda muAmerica, izvo zvakasiya matunhu aya achinetsekana nemirwi nemirwi yechando
Mushure mekuona kuti zvinhu zviri kuramba zvichiondomoka munyaya dzechikafu, hurumende inonzi yakazodzora mwoyo ndokutanga kupa varimi vechichena vakambenge vadzingwa pamapurazi avo mvumo yekuti vatange zvakare kurima
Hurumende inonzi yakabuda nematanho achaita kuti nyaya dzekunetsana kwemhuri dzichirwira hushe dzisapfachukira dzichizopedzisira dzave kumatare edzimhosva
Rodhai zvimwe