Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopa Zvakare Varimi Vachena Matsamba eKurima


Varimi vechichena vasara vachiri munyika vari pamusanganhttp://voa.pangea-cms.com/Publisher/sn/Content/ContentEdit.aspx?IdArticle=3163630o muHarare (2010 file photo)
Varimi vechichena vasara vachiri munyika vari pamusanganhttp://voa.pangea-cms.com/Publisher/sn/Content/ContentEdit.aspx?IdArticle=3163630o muHarare (2010 file photo)

Mushure mekuona kuti zvinhu zviri kuramba zvichiondomoka munyaya dzechikafu, hurumende inonzi yakazodzora mwoyo ndokutanga kupa varimi vechichena vakambenge vadzingwa pamapurazi avo mvumo yekuti vatange zvakare kurima.

Gurukota rezvekurima, VaDouglas Mombeshora, vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti varimi ava vachange vachipiwa nguva yekurima zvichienderana nekuti chii chavanenge vachirima.

Vanonzi vakatiwo mazita evarimi ava akakomekedzwa kubazi ravo navanamudzviti vematunhu avagere.

Asi mumwe murimi wechichena uye vari mutauriri weSADC Tribunal Rights Watch, VaBen Freeth, vanoti havana murimi wechichena avati vanzwa kuti akapiwa mvumo yekurima iyi, kunze kwekungozviverengawo mumapepanhau.

VaFreeth vanoti varimi ava vasati vatambira matsamba anovati varime aya, panofanirwa kunyoreranwa pasi kuti vawaniswe magwaro anozoita kuti vakwanise kukwereta mari kumabhanga.

Asi nyanzvi mune zvekurima vachiongorora zvematongerwo enyika, VaBernard Manyadza, vanoti danho rehurumende iri mucherechedzo wekuti yabvuma kuti chirongwa chayo chekutorera vachena minda ichipa vanhu vatema vanotsigira Zanu PF hachina kubudirira.

“Zvinonyadzisa kuti hurumende yave kunobhadhara varimi vekuZambia mari ichitadza kubhadhara varimi vemuno,” VaManyadza vanodaro.

Vanoti hurumende inofanirwa kubuda nehurongwa hwunobatsira varimi vechitema vakapiwa minda hwakaita sekuti vawaniswe nyanzvi dzinovadzidzisa kurima, sezvaiitwa kare muhurumende yevachena.

Vanotiwo varimi vatsva vanokwanisa kurima vanofanirwa kuwaniswawo zvikwanisiro zvakaita sembeu nefotereza, izvo vanoti zviri kutambiswa sezvo vamwe vari kupiwa vasina ruzivo vopedzisira vazvitengesa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG