Accessibility links

Breaking News

Hurongwa hweHurumende hweKupindira Mukugadzwa kweMadzishe Hwozeyiwa


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe

Hurumende inonzi yakabuda nematanho achaita kuti nyaya dzekunetsana kwemhuri dzichirwira hushe dzisapfachukira dzichizopedzisira dzave kumatare edzimhosva.

Gurukota rezvekubudirira kwemaruwa nekuchengetedzwa kwetsika, VaAbednico Ncube vakaita musangano nemadzishe neChitatu vakati hurumende ichaumba komiti ichange ichiizoona nezvekusarudzwa kwemunhu anenge achizove ishe.

Vanonzi vakati danho iri vanoona sericharerutsa makakatanwa avanoti ari kubuda panenge pachigadzwa hushe, izvo zvinonzi zviri kuedzisira zvoendesa hurumende kumatare edzimhosva yakwirirwa nevamwe vanenge vachirwira hushe uhwu.

VaEdson Chihota, vanotungamira sangano reZACRO uye vakapindawo mumusangano uyu, vanoti izvi zvakanaka sezvo zvichizorerutsa kuti kugadzwa kwashe kusanonotswa nenyaya dzekuendesana kumatare.

“Vamwe vanhu vasineyi neimba yehushe unoona voda kupindira mukugadzwa kwashe, kuti zvidii?” Vanobvunza VaChihota.

Vanoti komiti inenge yaumbwa nehurumende iyi inofanirwa kusave nevanhu vanobva kure, asi kuti madzishe emunharaunda nevakweguri vanoziva tsika nemagadzirwo emadzishe mudzinza iroro.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF vanoti havaoni danho iri serakanaka sezvo kugadzwa kwashe kuchifanirwa kuitwa netsika nechinyakare chemarudzi anenge achida kugadza mambo aya.

VaChirumhanzu vanotiwo vanoona danho iri sekunge rinopa mukana wekupinzwa kwezvematongerwo enyika pamwe nehuwori.

“Chatinenge tichida kuziva ndechekuti komiti iyi inenge yasharwa sei nekuti zvimwe vamwe vacho vanenge vari vana vaduku, vasingatombozivi kuti kunasabhuku, sadunhu kana ishe,” Vanodaro Vachirumhanzu.

Vanoti hurumende inofanirwa kuona kuti ndedzipi mhuri dzinenge dzichinetsana vogara nadzo pamwe nevakuru vedzinza iri vogadzirisa matambudziko anenge achinetsa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG