Dare repamusoro reGauteng North muSouth Africa rakatonga kuti vanhu vose vanosungwa nenyaya dzine chekuita nekupinda pamwe nekugara munyika iyi vanofanirwa kumiswa pamberi pematare mukati memazuva maviri, kukundikana kwazvo vanofanirwa kuburitswa muhusungwa.
Nyaya iyi yakanga yakwidzwa kudare iri nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu muSouth Africa, avo vanonzi vaiti zviri kuitwa nemapurisa zviri kutyora bumbiro remitemo yenyika iyi.
Amai Diana Zimbudzana vesangano reZimbabwe Exiles Forum riri muSouth Africa vanoti mutongo uyu vautambira nemufaro mukuru sezvo uchi nunura zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nezvekune dzimwe nyika zviri kugara munyika iyi, izvo zvanga zvichioneswa chitsvuku nekugariswa muhusungwa kwenguva ndefu zvisina kuendeswa kumatare edzimhosva.
“Uyu mutongo waunza kugadzikana muhana dzevana veZimbabwe vakawanda vanga vachishungurudzwa. Vamwe vevanhu ava vanga vachisungwa ivo vaine mapepa avo, asi vanenge vaakanganwa kudzimba,” Amai Zimbudzana vanodaro.
Mapurisa anonzi aishandisawo mukana uyu kuchengetedza vanhu muhusungwa senzira yekuti vabvume kubhadhara mari yechioko muhomwe sezvo vachinge vasina mapepa akakwana, kana kuti vanenge vaasiya kudzimba panguva dzavanosungwa.