Sachigaro werimwe sangano revagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, VaSimbarashe Moyo, vanoti vemakombi vave kubhadharisa dhora rimwe chete parwendo rwaisibhadharwa masendi makumi mashanu kana maranzi mashanu.
Kanzuru yeChitungwiza inonzi yaenderera mberi nekupa vamwe vashandi matsamba ekumbovamisa mabasa vachinzi vakarovha mabasa panguva iyo vashandi vairamwa mabasa mwedzi wapera
Kanzuru yeChitungwiza yapa vamwe vashandi vanodarika zana matsamba ekumbovamisa mabasa ichivapomera mhosva yekusaenda kubasa panguva yairamwa vashandi vekanzuru iyi mabasa muna Chikunguru
Bato reMDC inotungamirirwa, naVaMorgan Tsvangirai, rapeta musangano waro wemazuva matatu wekuronga kongiresi yebato ichaitwa muna Gumiguru.
Vatungamiri venyika dzemuSADC vari kutarisirwa kutanga kupinda munyika neMugovera kuitira kuti vapinde mumusangano we SADC summit uri kutanga nemusi weSvondo.
Asi vamwe vanoona kutora chigaro kweZimbabwe sekuchakanganisa nyaya dzekunzwikwa kwezvinyunyuto zvavo nesangano iri
Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangairai rinoti ratotanga gadziriro dzekupemberera kusvitsa makore gumi nemashanu bato iri raumbwa.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vashandirwi vari kutyora kodzero dzevashandi nekuvaita matembarari, izvo zvinozoita kuti vakwanise kuvamisa mabasa chero pavanenge vadira
Vatungamiri vevashandi vekanzuru yeChitungwiza vatanhatu vanoti vakapiwa matsamba ekumiswa basa nevakuru vemapazi avanoshandira vachipomerwa mhosva yekurovha basa
Bato reMDC T rinoti richabatana nenyika nemusi weMuvhuro mukucherechedza zuva remagamba, kunyange hazvo risiri kuzonoungana nevamwe kumarinda anovigwa magamba e Heroes Acre.
Musangano mukuru wevechidiki veZanu PF watanga muHarare, nhengo dziri kupinda musangano uyu dzichisvika kubva mumatunhu akasiyana siyana
Kongiresi yevechidiki veZanu PF iri kutarisirwa kutanga nemusi weChina muHarare matunhu ose achinzi ari kurwisa kuti awane chinzvimbo chemutevedzeri wemunyori weboka revechidiki iri.
Dzimwe mhuri dzakagariswa patsva kuChingwizi kuMasvingo dzinoti dziri kushushikana zvikuru nekutamiswa kwadzave kuitwa dzichiendeswa kuminda yadzanga dzichiramba dzchiti midiki
Mapurisa akapakatira zvombo anonzi amanikidza madzimai nevana vadiki kuparadza misasa yematende yepakamba yeChingwizi, apo panga pakachengeterwa mhuri dzinodarika zviuru zvitatu dzakawirwa nedambudziko remafashamu emvura ku Tokwe-Mukosi.
Mapurisa emuHarare ashandisa chisimba neChishanu achirambidza sangano revanoita zvekutengesa, reNational Vendors Union of Zimbabwe, kuti vatsvaire mumigwagwa yemuguta.
Apo nyika iri kucherechedza gore mushure mesarudzo dzaChikunguru 31 2013, idzo dzakapinza mukutonga bato reZanu PF riri roga, vanhu vane maonero akasiyanasiyana pamamiriro akaita zvinhu munyika, zvikuru munyaya dzeupfumi.
Nhengo dzeparamende dzinoti dziri kutambira nemufaro mukuru danho rakatorwa neboka reZimbabwe National Road Administration, kana kuti Zinara, rekuti dzisabhadhariswe mitero yemumigwagwa pama tollgate
Heal Zimbabwe Trust rinoti riri kukurudzira matare edzimhosva pamwe nemapurisa kuti vaongorore zvizere nyaya dzese dzakaitika munguva yemhirizhonga mushure mesarudzo dzemuna 2008
Musangano wevatungamiri veTripartite Negotiating Forum, TNF, wanga wakatarisirwa kuitwa neMuvhuro, wakanzurwa negurukota rezvemabasa, VaNicholas Goche.
Kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzeupfumi munyika kunonzi kwave kutuma bazi remitero reZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, kutsvaga mari kubva kumapoka ose anofungidzirwa kuti haasi kubhadhara mitero kuhurumende
Rodhai zvimwe