Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yogadzirira Mhemberero dzeMakore Gumi neMashanu Yaumbwa

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai

Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangairai rinoti ratotanga gadziriro dzekupemberera kusvitsa makore gumi nemashanu bato iri raumbwa.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano, VaNelson Chamisa, vanoti mhemberero dzegore rino, idzo dzichaitwa musi wa 13 Gunyana munhandare yeMucheke kuMasvingo, dzinenge dziri dzemhando yepamusoro, sezvo bato ravo ratarisana nekongiresi yakakosha muna Gumiguru.

VaChamisa vanoti pakatoumbwa makomiti achange achifambisa mabasa akasiyana-siyana, kusanganisira kuronga mafambiro achaita nhengo dzebato dzakananga Masvingo.

Bato reMDC rakaumbwa musi wa 11 Gunyana 1999 richitsigirwa zvikuru nevashandi pamwe nevadzidzi.

Mhemberero dzegore rino dziri kuuya panguva iyo bato iri rakatarisana nekupatsanuka zvichitevera kubuda kwakaita vaive munyori mukuru, VaTendai Biti nevamwe vavo, vachiumba chikwata chinozviti MDC Renewal Team.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG