Kongiresi yevechidiki veZanu PF iri kutarisirwa kutanga nemusi weChina muHarare matunhu ose achinzi ari kurwisa kuti awane chinzvimbo chemutevedzeri wemunyori weboka revechidiki iri.
Anosarudzwa pakongiresi iyi kuva mutevedzeri wemunyori wevechidiki anenge atopinda muchikwata chevanhu vanodoma kupinda mudare repamusoro soro rePolitburo.
Munyori weboka iri anosarudzwa nePolitburo yebato ozoziviswa naVaMugabe kukongiresi huru yebato iri, iyo iri kutarisirwa kuitwa muna Zvita gore rino.
Matunhu eHarare neManicaland anonziwo ari kuda kuti chigaro chemunyori wevechidiki chiite zvekuchinjanwa nematunhu sezvo matunhu maviri aya achinzi anoti haasati ambochiwanawo kubva pawana nyika kuzvitonga.
KuMashonaland West zvinonziwo hapana kuwirirana pakati pasachigaro wedunhu iri, VaTemba Mliswa, nenhengo yePolitburo, VaIgnatius Chombo, pamusoro pekuti ndiani achanomirira dunhu iri musarudzo dzichaitwa pakongiresi apa.
Musangano uyu, uyo uchaitwa kwemazuva matatu, unonzi ndiwo uchasarudzawo hutungamiri hutsva kuchatungamira kwemakore mashanu.
Vachakwikwidza musarudzo idzi vanonzi vanofanirwa kunge vaine makore ari pakati pegumi nemashanu nemakumi matatu.
Studio7 yaedza kubata mutauriri weboka revechidiki muZanu PF, VaBekezela Sibanda, asi vati vanga vakamanikidzika kuti vataure nesu.
Asi mukuru wesangano revechidiki reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe (YIDEZ), VaSydney Chisi, vanoti zviri kuburitswa negadziriro yemusangano uyu zvinoratidza kuti zvikwata zvinonzi zviri kunetsana muZanu PF zvadzikawo kusvika kune vechidiki ava.
MuZanu PF munonzi mune zvikwata zviviri zviri kurwira kutungamira bato iri, chimwe chinonzi chinotungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri webato iri VaRobert Mugabe, Amai Joice Mujuru, nechimwe chinonzi chiri kutungamirwa nemunyori wezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, kunyange hazvo vaviri ava vachiramba kuti vane zvikwata.