Musangano wevatungamiri veTripartite Negotiating Forum, TNF, wanga wakatarisirwa kuitwa neMuvhuro, wakanzurwa negurukota rezvemabasa, VaNicholas Goche.
VaGoche vanonzi havana kuzivisa vamwe vavo muTNF nezvekukanzurwa kwemusangano uyu.
Mutungamiri weZCTU, VaGeorge Nkiwane, vanoti hurumende haina kuvazivisa nezvekusavepo kwemusangano uyu kusvikira vasvika pahotera panga pachifanirwa kuitirwa musangano uyu, apo vazoudzwa nevashandi vepahotera apa nezvekukanzurwa kwemusangano uyu.
VaNkiwane vanoti sevamwe veTNF, hurumende yaifanirwawo kuvazivisa paine nguva nezvekumiswa kwemusangano uyu, kwete kuti vanyadziswe zvekusvika panzvimbo vozonzwa kuti musangano hakuchina.
Musangano uyu wanga uchitarisirwa kuzeya nekupasisa zvakabuda mumusangano wakaitwa svondo rapera, apo zvikwata zvitatu izvi zvakasangana zvikakurukura nezvemitemo yemabasa pamwe nekuti TNF ive mutemo.
Asi zvinonzi zvikwata izvi zvakatadza kuwirirana panyaya yemutemo wezvemabasa, zvikuru panyaya yekugumurwa mabasa kwevashandi.
Izvi zvinonzi zvakazoita kuti paumbwe komiti ine vanhu vatatu yaifanirwa kutarisisa zvakanga zvatadza kuwiriranwa izvi. Asi komiti iyi yakatadza zvakare kuwirirana.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende kanawo kuvashandirwi pamusoro penyaya iyi.
Asi VaNkiwane vanoti hapana zuva rati ratarwa kuti vazosangana zvakare asi ivo sevashandi vanga vadoma Muvhuro wesvondo rinouya sezuva ravanga sangana riri pedyo.