Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veSADC Vosangana muZimbabwe


Vatungamiri venyika dzemuSADC vari kutarisirwa kutanga kupinda munyika neMugovera kuitira kuti vapinde mumusangano we SADC summit uri kutanga nemusi weSvondo.

SADC ine nyika gumi neshanu.

Munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, vaudza Studio 7 kuti makurukota ezvekunze kwenyika ari kuenderera mberi nekubuda nezvinhu zvichakurukurwa nevatungamiri venyika.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vanenge votora chigaro chasachigaro weSADC kubva kumutungamiri weMalawi, VaPeter Mutharika.

Musangano uyu uri kuitwa pasi pedingindira rekukurudzira mashandisiro akanaka zviwanikwa zvenyika dziri mudunhu rekuchamhembe kweAfrica uye kuzvikwenenzvera kuti zvitengeswe nemari yakati wandei.

Vatungamiri venyika idzi vari kutarisirwawo kuti vanyore chibvumirano chekuti vachabatsira mukuunganidza mari inosvika mabhiriyoni mazana mashanu emadhora yekugadzira migwagwa, kuwaniswa kwemagetsi akakwana pamwe nezvimwe pachirongwa.

Asi vanotungamira bazi rezvezviwakwa muSADC, VaRemmy Makumbe, vanoti kuunganidza mari iyi kuri kunetsa zvopa kuti nyika dzinzi dzinofanira kunyora chibvumirano chekuzvipira kuunganidza mari iyi.

Nyika dzakawanda dziri kutatarika nehupfumi hwadzo pari zvino.

Chikamu chekutanga chekuparura hurongwa uhu chinoda mari inosvika mabhiriyoni makumi matanhatu emadhora asi hapana mari yacho.

XS
SM
MD
LG