Vaimbova gavhuna webhanga guru renyika, vaGideon Gono, havakwanise kugadzwa saseneta weBuhera nekuti havana kumbobvira vanyoresa semugari ane kodzero dzekuvhota mudunhu reManicaland
Nhengo dzeMDC T mudunhu reChitungwiza neSvondo manheru dzinonzi dzakadoma vanhu vadzinoda kuti vakwikwidze muzvigaro zvepamusoro mubato musarudzo dzichaitwa pakongiresi yebato iri mwedzi unouya
Komiti ye MDCT yepamusoro-soro yabuda nechisungo chekuti munhu wese achavhoterwa pakongiresi kwete kuti mutungamiri webato iri adome vanhu vanopinda mukomiti ye National Standing Committee sezvanga zvichidiwa nevamwe mubato iri.
Rimwe sangano revanorarama nekutengesa zvinhu muguta reHarare rinoti nhengo dzaro dzaomerwa nehupenyu zvakanyanya mushure mekuparadzirwa nzvimbo dzekutengesera nekanzuru yeguta iri kuna Fourth Street
MDC Renewal Team yakadoma Amai Sekai Holland kuti vamboitungamira kwemwedzi mitanhatu kusvika muna Kurume wegore rinouya apo MDC Renewal Team ichaita kongiresi yayo.
Sangano rinomirira masangano ose evashandi vehurumende, reApex Council, riri kutarisirwa kusangana muHarare nemusi weChitatu kuti rizeye zvinyunyuto nezvishuviro zviri kubata vashandi vehurumende mukushanda kwavo
Bato MDC T rinoti richaita misangano miviri mikuru nemusi weChina neChishanu svondo rino yenational executive pamwe nenational council, iyo ichazeya zvakabva kukomiti yainzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebumbiro remitemo yebato
Hurumende inonzi ine hurongwa hwekuzoparura chirongwa chekuti vanhu vazvitarise voga kana vaine hutachiwana hweHIV, vachishandisa michina yeHIV self-testing kits
Vashandi vemakambani anoita zvekugaya hupfu vanga vakatarisirwa kuramwa mabasa nemusi weChitatu vanonzi vazosendeka pfungwa iyi mushure mekutyisidzirwa nevashandirwi vachinzi vanodzingwa mabasa.
Vabereki vakawanda vataura neStudio 7 vanoti havana mari dzekubhadharira vana vavo sezvo zvinhu zvisina kumira zvanaka munyaya dzehupfumi
Vabereki vazhinji vanonzi vaswera vachimhanya-mhanya vachigadzirira vana vavo vasati vadzokera kuzvikoro, izvo zviri kuvhurwa neChipiri panotanga kotoro yetatu
Munyori mukuru wesangano iri, Muzvare Sithokozile Siwela, vanoti sangano ravo ratora danho rekuratidzira iri senzira yekuzivisa nyika yose nezvematambudziko ari kutarisana nevashandi vekambani yeNRZ.
Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti hurumende yakakasika kukwidza mutero unobhadhariswa zvinhu zvekunze zvinoshandiswa mazuva ose munyika, kana kuti surtax, sezvo danho iri richaita kuti zvinhu zvizhinji zvishaikwe munyika
Mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vakurudzira nhengo dzebato ravo dziri muparamende kuti dzigopota dzichidzokera kumatunhu adzinomirira dzichizivisa vanhu vakadzisarudza zvinenge zvichitora nzvimbo mungave muhurumende kana mubato.
Mukuru weTransparency International-Zimbabwe, Muzvare Mary Jane Ncube, vanoti chingava chinhu chakakosha zvikuru kuti komisheni ichagadzwa inge iine masimba ekuita basa rayo pasina vanopindira, sezvinodiwa nebumbiro remitemo idzva.
Rimwe remasangano evanotakura vanhu muHarare, reGreater Harare Association of Commuter Operators, rinoti kuvhurwa kweimwe tollgate pakati peRuwa neMarondera neMuvhuro kuchatoita kuti vanyanye kuomerwa nehupenyu mukuita basa ravo
Bato reMDC-T rinoti komiti yanga ichitenderera nematunhu ichinzwa pfungwa dzenhengo dzebato iri pamusoro pezvadzinoda kuti zvive mubumbiro rebato iri, yakapeta basa rayo neChina.
Bato reMDC T raramba mashoko ekuti midziyo yaro inosanganisira dzimotokari pamwe nemba yemutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, zvingangotengeswa kuitira kuti paunganidzwe mari dzekubhadhara vashandi gumi nevatatu vanonzi vakaburitswa mabasa zvisina kutsarukana muna 2010
Sangano reYouth Forum kuMasvingo rinoti mapurisa emuChiredzi ambosunga nekuchengetedza kwenguva inodarika awa imwe chete vanoita zvekutengesa mumigwagwa vanodarika gumi vachivapomera mhosva yekutyora mutemo
Musangano pakati pevamiriri vevashandi vekanzuru yeGwanda nevamiriri vebazi rezvevashandi waitwa neMuvhuro unonzi hauna chimuko chawaburitsa sezvo mapoka maviri aya atadza kuwirirana
Rodhai zvimwe