Vaimbova gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, havakwanise kugadzwa saseneta weBuhera nekuti havana kumbobvira vanyoresa semugari ane kodzero dzekuvhota mudunhu reManicaland.
Izvi zviri mutsamba yakanyorerwa sachigaro weZanu PF, VaSimon Khaya-Moyo, nasachigaro weZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau.
Mutsamba yakanyorwa musi wa 15 Gunyana, ikadhindwa musi wa 17 Gunyana, Amai Makarau vanoti pasi pebumbiro idzva remitemo yenyika, hazvibvire kuti VaGono vagadzwe saseneta nekuti havana kunyoresa kugara muManicaland.
Vanotiwo zvakare nguva yekuchinja nzvimbo yekunyoresa yakapera gore rapera pakavharwa gwaro revavhoti.
Vanotiwo imwe nzira ingashandiswe ndeyekuti VaGono vanyorere kuti vanyoreswe muManicaland, asi vakati pane dambudziko rekuti hapana mutemo unotsigira danho rakadai.
VaGono vakadomwa neZanu PF kuti vatore chinzvimbo chakasiiwa naVaKumbirai Kangai, avo vakashaya mushure mekusarudzwa saseneta weZanu PF anomirira Buhera.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Amai Makarau panyaya iyi.
Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti ivo havasati vaona kana kunzwa nezvetsamba iyi, nekudaro havakwanisi kukurukura nezvenyaya iyi.
VaGumbo vanotiwo kana paine nyaya yakadai havangaikurukuri nevedzinhepfenyuro kana mapepanhau sezvo iri nyaya yemumba mavo, iyo ichakurukurwa nepolitburo yebato ravo kana nguva yacho yasvika.
Nyanzvi munyaya dzesarudzo uye vari mukuru wesangano reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vanoti ZEC yaita zviri pamutemo kuti VaGono vange vachifanirwa kunge vakanyoresa semuvhoti kuManicaland sezvo zviri izvo zviri mubumbiro remitemo yenyika.
VaChimhini vanotiwo mutemo wesarudzo unobvumidza munhu wese kuti kuchinja kubva kune rimwe dunhu achienda kune rimwe dunhu, asi vachiti izvi hazvifanirwi kuitwa nekuti pane munhu anenge aona kuti kune kwaita mukana wekukwikwidza.