Rimwe remasangano evanotakura vanhu muHarare, reGreater Harare Association of Commuter Operators rinoti kuvhurwa kweimwe tollgate pakati peRuwa neMarondera neMuvhuro kuchatoita kuti vanyanye kuomerwa nehupenyu mukuita basa ravo.
Mutauriri wesangano iri, VaFarai Muza, vanoti sezvo zvinhu zvakaoma nechekare munyika munyaya dzeupfumi, nhengo dzavo hadzisi kuzokwidza mari dzinobhadharwa nevanofamba nemabhazi asi idzo dzichitarisirwa kubhadhara mari nguva yose yadzinenge dzichipfuura nepa tollgate iyi.
Bazi rezvekutakurwa kwezvinhu razivisa kuti ravhura ma tollgate maviri kuRuwa-Marondera neGweru-Kwekwe kutanga musi wa1 Gunyana.
Hurumende yakazivisawo mazuva mashoma apfuura miripo mitsva inenge yobhadharwa nevedzimotokari.
Motokari diki dzave kubhadhara madhora maviri, makombi - madhora matatu, mabhazi - madhora mana, kuchitiwo marhorhi madhora mashanu, marhorhi makuru achibhadhara madhora gumi.
VaMuza vanoti vanotadza kunzwisisa nezvemusiyano wekuti vemakombi vanobhadhariswa madhora matatu idzo motokari dzavo dzichitakura vanhu vashoma, asi vemabhazi vanotakura vanhu vakawanda vachibhadhariswa madhora mana chete ivo vachitakura vanhu vakapetwa kashanu.
Kuvhurwa kwema tollgate maviri aya kwakwidza huwandu hweave munyika kusvika pamakumi maviri nemana.
Zvinonzi nyika ine hurongwa hwekuve nema tollgate makumi matatu nematanhatu.