Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Zvigaro Zvose Zvichakwikwidzwa


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora

Komiti ye MDCT yepamusoro-soro yabuda nechisungo chekuti munhu wese achavhoterwa pakongiresi kwete kuti mutungamiri webato iri adome vanhu vanopinda mukomiti ye National Standing Committee sezvanga zvichidiwa nevamwe mubato iri.

Vachitaura nevatori venhau neChishanu mushure memusangano uyu, mutauriri we MDCT, Va Douglas Mwonzora, vati komiti yavo ye National Council yaramba zvanga zvichidiwa nevamwe mubato iri zvekupa masimba akawanda kumutungamiri webato ravo ekuti vadome vanhu vasina kusarudzwa kuti vave nhengo dzekomiti ye National Standing Committee.

Va Mwonzora vati munhu wese achawana chigaro mubato ravo anofanira kusarudzwa pakongiresei yebato ravo ichaitwa mu Harare kwemazuva matatu kubva musi wa 29 Gumiguru.

Danho ratorwa ne MDCT iri rinouya apo veruzhinji vanga vachiti kudoma vanhu kupinda mukomiti ye National Executive kunorasa gwara remusangano uyu rehutongi hwejekerere.

Va Mwonzora vazivisawo kuti masimba emunyori mukuru webato ravo ave mashoma. Izvi zvinotevera kushandiswa kwakaitwa masimba aya nevaimbova vanyori vebato iri, Va Welshman Ncube pamwe naVa Tendai Biti pakushevedza misangano yakakonzera kuwumbwa kwezvipoka-zvipoka mubato iri.

Vaenderera mberi vachiti komiti yavo ye National Council yaramba zvakare kuti pave nevatevedzeri vemutungamiri webato vaviri vachiti izvi hazvina chazvinobatsira nazvo nyika.

Makongiresi emumapurovinzi anonzi achatanga mangwana uye mapurovhinzi akatarisirwa kudoma vanhu vachakwikwidza zvigaro zvemukomiti ye national executive pakongiresi huru yebato iri ichaitwa mwedzi unouya.

Musangano waitwa nhasi wabvumiranawo zvakare kuti munhu anenge adomwa kuti akwikwidze pazvigaro zvakasiyana ane mvumo yekusarudza chigaro chaanenge achida kukwidza.

Kongiresi ye MDCT yave kuzoitwa nechimbichimbi zvichitevera kupatsanuka kwakaita bato iri kwakakonzerwa nevamwe vaive mubato iri vari vari kuzviti MDC Renewal.

Vanhu ava vanosanganisira Va Biti, VaElton Mangoma, Va Sam Sipepa Nkomo, pamwe naAmai Sekai Holland, avo vakabuda pachena svondo rino kuti ndivo vava kufanotungamira MDC Renewal Team kudzamara yaenda kukongiresi yayo gore rinouya.

Pane kunyunyuta zvikuru muMDC-T nemarongerwo ari kuitwa kongiresi mubato iri vamwe vachiti vose vari kuda kukwikwidza zvigaro zvemu National Standing Committee vari kusvibiswa mazita avo vachinzi vanhu veRenewal Team uye vasavhoterwa.

Vari kuona zvinhu zviri kuitika muchanyararire vanoti MDC T inofanirwa kuita kongiresi yayo zviri pachena kana ichida kuramba yakasimba zvichitevera kupatsanuka kwayo gore rino.

Vanhu ava vanoti ikaita kongiresi iyi semaitiro ayakaita mukutsvaga vakamirira bato musarudzo gore rapera ndipo panobva panyura bato iri mudhaka ezvematongerwo enyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:12 0:00

XS
SM
MD
LG