Rimwe sangano rinomirira vashandi vekambani ye National Railways of Zimbabwe, re Zimbabwe Railway Artisans Union rinoti nhengo dzaro dzichapinda mumigwagwa neMugovera dzichiratidzira.
Vashandi ava vanoti vachapinda nehuwandu hwavo hwese mumaguta makuru mana enyika anoti Harare, Gweru, Mutare neBulawayo dzichiratidzira.
Munyori mukuru wesangano iri, Muzvare Sithokozile Siwela, vanoti sangano ravo ratora danho rekuratidzira iri senzira yekuzivisa nyika yose nezvematambudziko ari kutarisana nevashandi vekambani yeNRZ.
Vashandi ava vanoti vave nemwedzi gumi vasati vapiwa mari dzavo dzemihoro dzinodarika mamiriyoni makumi mashanu nemashanu emadhora.
Vashandi vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mukambani iri pasi pehurumende iyi, iyo inonzi ine hurongwa hwekumisa vashandi vanosvika zviuru zvitanhatu mabasa senzira yekuderedza mari yainoda pakufambisa zvinhu.
Hatina kukwanisa kubata vakuru veNRZ kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.