Nyanzvi mune zvekurima, VaPeter Mukudzavhu vari kurima chibage vari mumusha weHagerstown, mudunhu reMaryland, muAmerica, vachitengesera zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nevekune dzimwe nyika vanodawo chibage chakaita sechekumusha
Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoti tarisiro iri kuitwa nevanogadzira machira nembatya yekuti vange vave kushanda zvizere panosvika gore ra2020 zvichitevera danho riri kuda kutorwa nehurumende rekumisa kutengeswa kwembatya tsaru dziri kubva kunze, rinogona kuve zviroto zvisingabatiki.
ZCTU inoti hutungamiri hwayo hwakasangana mukupera kwesvondo hwakasunga kuti vashandi vapinde mukuratidzira vachinyunyuta nekuramba vachirasikirwa nemabasa pamwe nekumbunyikidzwa kwemasangano anomirira vashandi
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru we Center for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti chokwadi chiripo hapana mabasa akaumbwa asi kutoti vashandi vari kudzingwa mabasa.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapindawo mugakava rakasimudzwa nemutongo wedare reSupreme Court, wekuti makambani anogona kumisa vashandi mabasa mushure mekuvapa zviziviso zvemwedzi mitatu.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChitatu vakapindawo mugakava rakasimudzwa nemutongo wedare reSupreme Court, wekuti makambani anogona kumisa vashandi mabasa mushure mekuvapa zviziviso zvemwedzi mitatu
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinonzi zvakadzoka zvakare kunogara pachechi yeMethodist iri muJohannesburg, kunyange hazvo nzvimbo iyi yakambovhariswa nemapurisa.
Vari kutungamira kupinzwa munyika kwechibage chakatengwa nevemabhizimusi akazvimirira kubva kuZambia vanoti kubva mwedzi waGunyana vanenge vokwanisa kupinza chibage chakawanda pane chiri kupinda munyika pari zvino
Mutongi wedare ramejasitiriti muHarare, VaTendai Mahwe, vati vanhu ava vakagariswa muhusungwa kwenguva inodarika maawa makumi mana nemasere anodiwa nemitemo yenyika.
Vari muhusungwa vri kunzi vaburitswe pasina mhosva dzavapomerwa mukuru weNational Vendors Union of Zimbabwe, VaSamuel Wadzayi pamwe nemutungamiri wesangano iri, VaStan Zvorwadza.
Shuviro inenge iine zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinoenda kunze kwenyika ndeyekuti zvisimudzire nzvimbo nematunhu kwazvinobva
Vaive vashandi vepamugodhi weShabanie kuZvishavane mudunhu reMidlands vanodarika zana nemakumi matatu vanoti vakaburitswa mudzimba dzekambani iyi dzavanga vachigara mumusha weMaglas, mushure mekunge vamiswa mabasa
Mhuri yemurwiri wekodzero dzevanhu akatsakatika, VaItai Dzamara, inoti inotambira danho rakatorwa nemapurisa, rekuisa mari inoita zviuru gumi zvemadhora kune ani nani zvake ane ruzivo rwungaita kuti VaDzamara vawanikwe.
Bato reMDC Renewal Team raramba mashoko ekuti riri kukundikana kuita musangano waro mukuru wepagore wekutanga, uyo waifanirwa kuitwa mukupera kwaChikunguru.
Vanhu vakawanda, kusanganisira bato guru rinopikisa reMDC T, vari kupembedza danho rakatorwa nehutungamiri hwedunhu reMasvingo rekukomekedza mazita evarimi vechichena vatanhatu kuti vapiwe magwaro anovabvumidza kurima, kana kuti offer letters
Mitumbi yezvizvarwa zveZimbabwe inosvika chiuru nemazana mana negumi nemisere inonzi yakadzoserwa kumusha kubva kunyika yeSouth Africa kwavakashaikira mukati memwedzi mitanhatu yekutanga yegore rino
Vanotengesera mumigwagwa yemuHarare varwisana nemapurisa ekanzuru yeguta iri mushure mekunge vatorerwa zvinhu zvavanga vachitengesa nemapurisa aya
Bishop Ancelimo magaya, avo vanowe mumwe wevakarongwa kunamatira murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara vanoti vanofadzwa nekubudirira kwakaita hurongwa hwemunamato wavakaita neMugovera kuZimbabwe Grounds mumusha weHighfield muHarare
Bishop Ancelimo Magaya, vechechi yeGrace Ablaze Ministries International, avo vari kushanda nemhuri yekwaDzamara, vanoti kusvika pari zvino zvinhu zviri kufamba negwara ravari kutarisira uye munamato uyu uri kuenderera mberi semarongero avo.
Dzimwe nyanzvi mune zvekurima dzinoti dzinotambira danho rakatorwa nedare remakurukota rekuti makambani makuru ane minda munyika abhadhare mitero
Rodhai zvimwe