Accessibility links

Breaking News

Hama neShamwari Dziri Kushaikira kuSouth Africa Dzowandisa


Hama zhinji dzinonzi dzinoda kuti hama inenge yashayikira kunze idzoke ivigwe kumusha
Hama zhinji dzinonzi dzinoda kuti hama inenge yashayikira kunze idzoke ivigwe kumusha

Mitumbi yezvizvarwa zveZimbabwe inosvika chiuru nemazana mana negumi nemisere inonzi yakadzoserwa kumusha kubva kuSouth Africa kwavakashaikira mukati memwedzi mitanhatu yekutanga yegore rino.

Bepanhau reThe Herald rinoti rakaudzwa nemukuru wemuzinda weZimbabwe kuSouth Africa, VaBatiraishe Mukonoweshuro, kuti vanhu ava vakafa nezvirwere zvinosanganisira mabayo, Hepatitis B, pamwe ne HIV/Aids, uye ndufu zhinji dzinoitika munguva ino yechando.

Huwandu hwemitumbi yakadzoserwa kumusha uhwu hwunoreva kuti vanhu vanosvika mazana maviri nemakumi matatu nevatanhatu vari kushaya pamwedzi wega wega, huwandu hunonzi nenyanzvi dzezvehutano hwakawandisa.

Mukuru anoona nezvezvirongwa musangano reZimbabwe Exiles Forum riri muSouth Africa, Muzvare Diana Zimbudzana, vanoti zvimwe zvinokonzera kuti vanhu vasangane nematambudziko anozovasvitsa pakushaya, inyaya yemapepa anovabvumidza kugara zviri pamutemo munyika iyi.

Muzvare Zimbudzana vanoti nekuda kwekuti vazhinji vanenge vasina mapepa aya, vanotya kuenda kunotsvaga rubatsiro rwekuti varapwe, izvo zvinozoita kuti vashaikire mumba.

“Matembiricha ekuno anoderera zvikuru kukunda zvaanoita kana kuri kuZimbabwe, saka vanhu vazhinji vanopedzisira vapindwa nechando, kupindwawo kwavo nechando kunoitawo kuti varware,” Muzvare Zimbudzana vanodaro.

Vanotiwo nhamba iri kutaurwa iyi iri pasi sezvo vamwe vana veZimbabwe vari kushaya vachingovigwa makare muSouth Africa nekuda kwekushaikwa kwemari yekuti vatakurwe kuenda kumusha

Sachigaro wesangano ravana chiremba reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Rutendo Bonde, vanoti kumwe kushaika kunokonzerwa nemagariro anenge achiita vanhu.

Vanoti zvakakosha zvikuru kuti vanhu vagare munzvimbo dzakafaranuka, dzinopinza mhepo kuitira kuti vasakasike kubatwa nezvirwere izvi, uye kutiwo vanwe mvura yakawanda pamwe nekudya chikafi chakakodzera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG