Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoronga Kuratidzira kweVashandi neKurasikirwa kweMabasa


ZCTU
ZCTU

Rimwe remasangano anomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti hutungamiri hwaro hwakasangana mukupera kwesvondo hwakasunga kuti vashandi vapinde mukuratidzira vachinyunyuta nekuramba vachirasikirwa nemabasa pamwe nekumbunyikidzwa kwemasangano anomirira vashandi.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti kuratidzira uku kuchaitwa neMugovera mumaguta anoti Hharare, Bulawayo, Gweru, Chinhoyi neMutare.

VaMoyo vanoti vashandi vakarasikirwa nemabasa kare ndivo vachapinda mukuratidzira uku, kunyange hazvo vachiri pamabasa vakasununguka kupindawo.

“Vashandi vari kuratidzira ava, vakarasikirwa nemabasa, ndivo vakasarudza zuva remusi weMugovera,” vanodaro VaMoyo. “Avo vachiri pamabasa vakasununguka kuuyawo asi hatidi kuti varasikirwe nemabasa.”

VaMoyo vanoti vatozivisa mapurisa pamusoro pehurongwa hwekuratidzira uhwu uye havaone paine dambudziko sezvo mutemo uchivabvumidza kuratidzira.

Vashandi vari kuramba vachirasikirwa nemabasa kubva pakapiwa mutongo nedare repamusorosoro wekuti makambani anokwanisa kumisa vashandi mabasa chero nguva.

Makambani ari pasi pehurumende anonzi ave kushandisawo mutongo uyu kumisa vashandi mabasa.

Kambani yeZimbabwe National Road Adminstration, ZINARA, iyo inoona nezvemigwagwa, inonziwo yakamisawo vashandi vanodarika mazana matatu mabasa.

Imwe kambani iri pasi pehurumende, yeNational Railways of Zimbabwe, inonzi ine hurongwa hwekumisawo vashandi vanodarika chiuru mabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG