Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinonzi zvakadzoka zvakare kunogara pachechi yeMethodist iri muJohannesburg, kunyange hazvo nzvimbo iyi yakambovhariswa nemapurisa.
Muzvare Diana Zimbudzana, vanoona nezvezvirongwa musangano reZimbabwe Exiles Forum, vanoti vanhu vanodarika makumi mashanu, vazhinji vacho vari vekuZimbabwe, vachiri kugara panzvimbo iyi nezvikonzero zvakasiya siyana.
Kunyange hazvo vanhu ava vachinzi vari kugara pachechi iyi zviri kunze kwemutemo, vamwe vanoti vari kugara pachechi iyi nekuti pedyo nenzvimbo dzavanoshandira, kwotiwo vamwe vachiti havana kumwe kwekuenda kunogara.
Vazhinji vevachiri gugara paMethodist Church vanonzi vanorarama nekuita mabasa emaoko akaita sekuruka misoro yevanhu.
Vanhu vakawanda vakatanga kugara pachechi iyi ichatungamirwa naBishop Paul Verryn vasati vaendeswa kunoshandira kuSoweto, vakaendawo nevamwe vevanhu vaigara pachechi iyi.
Asi Muzvare Zimbudzana vanoti vamwe vevanhu ava ndivo vakaramba kuenda naBishop Verryn, vakasarudza kuramba zvavo vari pachechi iyi, kunyange vakambobviswa nemapurisa panguva yakambvharwa nzvimbo iyi.
Vazhinji vevanhu vanogara pachechi iyi vanonzi havana magwaro anovabvumidza kugara munyika iyi zviri pamutemo.