Accessibility links

Breaking News

Kuteresa Makambani Ane Minda Munyika Kotambirwa neNyanzvi


Murimi akagariswa patsva
Murimi akagariswa patsva

Dzimwe nyanzvi mune zvekurima dzinoti dzinotambira danho rakatorwa nedare remakurukota rekuti makambani makuru ane minda munyika abhadhare mitero.

Bepanhau reHerald rinoti makambani aya akanzi anofanirwa kubhadhara madhora gumi pahekita pagore kubvira muna Ndira wegore rino.

Danho iri rinozi richabatsira hurumende kuti iunganidze mari yekushandisa mubudiriro pamwe nekubhadhara varimi vechichena vakatorerwa minda.

Danho iri rinotevera rimwe rakadai rakaziviswa zvakare nehurumende mwedzi mishoma yadarika rekuti varimi vakagariswa patsva pamwe nevekumaruwa, vanonzi ma A1 ne A2, vabhadharewo mitero.

Vekumaruwa vanofanirwa kubhadhara madhora mashanu kuchitiwo vemapurazi madiki vachibhadhara madhora gumi nemashanu pagore.

Asi imwe nyanzvimune zvekurima, VaBernard Manyadza, avo vanoshanda vakazvimirira, vanoti zvakakoshawo zvikuru kuti patariswe kuti munhu ari kushandisa ivhu iri ari kuwanawo cheuviri here kubva mariri.

VaManyadza vanotiwo havatambiri pfungwa yekuti varimi vatsva kana vekumaruwa vahwandirwe nehurumende mukubvisiswa mari yekubhadhara vachena, avo vakatobuda munyika, vazhinji vacho vachinzi vave kurima vari kuZambia, kunove kwave kutengwa chibage neZimbabwe.

Asi mumwe murimi mukuru, uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanotiwo havaoni varimi vachiita dambudziko rekukundikana kubhadhara mitero iyi, sezvo iri pasi zvikuru, uye vagara vachiibhadhara.

VaChirumhanzu vanoti havaoni hurumende iri iyo ine dambudziko kana hurongwa uhwu hwakasabudirira, sezvo paine zvipangamazano zvinoipa mazano nekunyora zvekuti itevere.

Mamwe makambani makuru ari kurima munyika, anosanganisira yeTongaat Hulett, anonzi ane minda mikuru kwazvo, izvo zvinogona kuti azoguma obhadhara mari dzinodarika miriyoni yemadhora pagore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG