Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kusimuka munyika neChishanu vakananga kuSouth Korea uko vakokwa pahurongwa hwakakosha zvikuru hwekutora mhiko kwemutungamiri wenyika iyi mutsva.
Mutongi wedare repamusoro soro reSupreme Court Amai Rita Makarau vanovazve vakafanobata chigaro chemukuru we weJudiciary Services Commission ndivo vave kutarisirwa kufanobata chigaro chakasiyiwa naVaSimpson Mutambanengwe chekuva sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission.
Gurukota rinoona nezvemari, VaTendai Biti, pamwe negurukota rinoona nezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vazivisa kuti vari mubishi rekuyedza kudzikisa bhajeti yemari yereferendamu nesarudzo.
VaEric Matinenga vanoti vatungamiri vehurumende vavazivisa kuti bumbiro remitemo rinofanira kuti riitwe musi wa16 Kurume.
UN inoti iri kuzeya chikumbiro cheZimbabwe chemari yekushandisa pareferendamu nesarudzo
Nyaya yekusatara zuva rekuita sarudzo dzekutsvaga vanhu vachamirira Zanu-PF musarudzo inonzi yatove kupa kuti kunetsana mubato iri kuenderere mberi.
MDC-T nemamwe masangano akazvimirira oga vari kushora zvikuru gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemashoko avo ekushora hurumende yemubatanidzwa.
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti yakavhara neChina kutora mazita evanhu vanoda kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo.
Mumwe mukuru muchipurisa, Assistant Commissioner Everisto Pfumvuti, avo vanotungamira mapurisa kwaMutoko, vanoti vari kuda kupinda musarudzo kuMutoko South dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo dzechaitwa munyika.
Mutongi gava panyaya yeZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vakatuma nhumwa dzavo kuZimbabwe neChipiri kuti vanosimbisa nyaya yekuti misariridzwa pagwara resarudzo ipedziswe pasati paitwa sarudzo.
Vakuru vakuru munyaya dzezvematongerwo enyika kubva kumapato akasiyanya siyana, vakuru vemachechi nevemasangano akazvimirira vanopfuura chiuru vaungana kuChadchomb vachionekana naMuzvinafundo John Makumbe, avo vakashaya nemusi weSvondo muHarare.
Nyaya yekukandirana makobvu nematete pakati pemakurukota muhurumende yemubatanidza panyaya yekuendesa hupfumi kuvatema yatangazve apo nyika yotarisana nesarudzo.
Dare reparamende rave kutarisirwa kuti rizeye nyaya yebumbiro idzva renyika kwemazuva maviri musvondo rechipiri rakukadzi bumbiro iri risati raendeswa kureferendamu.
Nzendo dzekunze kwenyika dziri kuitwa nemutungamiri , VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, dzava kupa kuti nyaya yekukurukura zuva rekuita referendamu imbomiswa.
Masangano akazvimirira oga emunyika nekunze ari muAddis Ababa, ku Ethiopia kumusangano weAfrican Union wakatanga neMuvhuro kuti akurudzire vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti vaone kuti zvinhu zvavandudzwa muZimbabwe musati maitwa sarudzo.
Vatungamiri venyika vari kutarisirwa kusangana svondo rinouya kuti vazeye nyaya yekuti referendamu yoitwa riinhi sezvo neChina pakawiriranwa pane zvose zvainetsa.
Paita ropa rakaipa pakati pemakurukota eZanu-PF nevamwe vakaoma musoro muhurumende panyaya yekuti poitwa sei nevarungu vachiri pamapurazi.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti Zimbabwe yakagadzirira kuti iite sarudzo dzisina mhirizhonga.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vaudza makurukota avo kuti atsvage mari yesarudzo kunze.
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vadaidzira musangano wechimbi chimbi neChina wekuita nenhengo dzeZimbabwe Electoral Commission.
Rodhai zvimwe