Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeVarimi Vachena Vasara Yotemesa Hurumende Musoro


Paita ropa rakaipa pakati pemakurukota eZanu-PF nevamwe vakaoma musoro muhurumende panyaya yekuti poitwa sei nevarungu vachiri pamapurazi.

Mamwe makurukota ehurumende achitsigirwa nehofisi yemuchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, anoti varimi ava vanofanira kubviswa pamapurazi kuitira kuti vanhu vakapihwa tsamba dzekuti vave varidzi vemapurazi aya vatange kurima.

VaTomana vanoti bazi rezveminda rinotungamirwa naVaHerbert Murerwa harisi kubvisa vanhu pamapurazi zvopa kuti chirongwa ichi chinonoke kupera.

Vamwe vanoti vachena vasara ngavapihwe ndima dzekurima uye paitwe imwe ongororo yekuti vakatora minda kusvika pari zvino ndivanani.

Asi izvi zviri kurambwa nevamwe. VaMurerwa vaudza Studio 7 kuti havachina mashoko ekutaura panyaya iyi.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekurima, VaMoses Jiri veMDC-T, vanoti zviri kuitwa muhurumende zvinonyadzisa nekuodza moyo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG