Accessibility links

Breaking News

AU Yokurudzirwa Kuudza VaMugabe Kuti Vagadzirise Zvinhu


Masangano akazvimirira oga emunyika nekunze ari muAddis Ababa, ku Ethiopia kumusangano weAfrican Union wakatanga neMuvhuro kuti akurudzire vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti vaone kuti zvinhu zvavandudzwa muZimbabwe musati maitwa sarudzo.

Zimbabwe iri kutarisirwa kutaurwa nezvayo kumucheto wemusangano uyu nevakuru veAfrican Union vari kutanga musangano neSvondo vachipedza neMuvhuro.

Chipangamazano chemutungamiri weSouth Africa, varizve mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaJacob Zuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti nyaya yeZimbabwe inogona kutaurwa uye vakagadzirira sezvo vatopinda muAddis Ababa.

Masangano emuZimbabwe atumira nhumwa kumusangano uyu anosanganisa Crisis in Zimbabwe Coalition, Zimbabwe Lawyers for Human Rights pamwe ne Zimbabwe Human Rights NGO Forum.

Human Rights Watch yatumirawo nhumwa. Masangano aya anoti anoda kuti vatungamiri venyika dzemuAfrica vaone kuti muZimbabwe mavandudzwa mitemo uye kumira kwenyaya yekushungurudza vanorwira kodzero dzevanhu.

Asi vachitaura nemutungamiri weBenin, vanova sachigaro weAU ari kusiya chigaro ichi, VaBoni Yayi, VaMugabe vakati Zimbabwe yakagadzirira kuita sarudzo murunyararo.

Asi Muzvare Tiseke Kasambala veHuman Rights Watch vanoti AU inofanira kutumira nhumwa kuZimbabwe kunochengetedza runyararo pasati paitwa sarudzo sezvo VaMugabe vari kuvimbisa zvavasiri kuita.


Mashoko aya atsinhirwawo nenyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika inotaura yakazvimirira, Muzvare Gladys Hlatywayo, avo vanoti Zimbabwe inofanira kutaurwa nezvayo sezvo ichikwanisa kuita mhirizhonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG